bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Amos 4
Amos 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 5 →
1
Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBashani, dziri mugomo reSamaria, imi munomanikidza ʋarombo, munopxanya ʋanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu: Ʋuyai neɀokunwa tinwe.
2
Ishe Jehova wakapika noʋutȿene bgake, aciti: Tarirai, mazuʋa acaʋuya pamsoro penyu, aʋacakukweʋai neɀikokoʋono, ʋuye ʋakasara ʋenyu neɀiredzo ɀehoʋe.
3
Mucaɓuɗa napakakoromoka, mumŋe nomumŋe paakatarisana napo; mucarashirwa Harmoni — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
4
Ʋuyai Beti‐eri, muɗarike; ʋuyai Girgari, muwedzere kuɗarika; ʋuyai neɀiɓayiro ɀenyu maŋgwanani ose, ʋuye ɀegumi ɀenyu pazuʋa rimŋe nerimŋe retatu;
5
ʋuyai neciɓayiro cokuʋoŋga ceɀakaʋiriswa, muraire ɀipiriso ɀomŋoyo, muɀiparidze; nokuti ndiɀo ɀinokufadzai, imi ʋana ʋaIsraeri — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
6
Ndakakupai ʋo meno akacena pamaguta enyu ose, nokushaiwa ɀokudya panɀimbo dzenyu dzose; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
7
Ndakakunyimai ʋo mvura, kukohwa kucigere mŋedzi mitatu; ndikainisa paguta rimŋe, ndikasainisa panerimŋe guta; imŋe nɀimbo ikanisirwa mvura, nɀimbo isina‐kunisirwa mvura ikawoma.
8
Naiɀoɀo ʋanhu ʋa maguta maʋiri kana matatu ʋakadzuŋgairira kunerimŋe guta kundonwa mvura, ʋakasaguŋgwa; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
9
Ndakakuroʋai nenyunje nokuvuva; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiriŋga, nemiʋonde yenyu, nemiorivi yenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
10
Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa seɀaɀakaitwa Egipita; majaya enyu ndakaaʋuraya nomunondo, ndikatapa mabiza enyu; ndakaȿitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
11
Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mŋari seɀaakaparadza Sodoma neGomora, imi mukaita secitsika cakabvutwa pamŋoto; kunyaŋge ɀakaɗaro hamuna‐kudzokera kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
12
Saka ndicakuitirai iɀi, imi Israeri; ɀino ɀandicakuitirai iɀi, ɀigadzirei kusoŋgana naMŋari wenyu, imi Israeri.
13
Nokuti tarirai, iye, unoʋumba makomo, unosika mhepo, unoziʋisa munhu ɀiri mumuraŋgariro wake, unoshandura maŋgwanani rikaʋa rima, unotsika panɀimbo dzenyika dzakakwirira, Jehova Mŋari wehondo, ndiro zita rake.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
Recommended Reading
Commentary
Amos Commentaries
→
Devotional
Amos Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→