bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Esther 2
Esther 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 3 →
1
Ɀino shure kwaiɀoɀo, kutsamŋa kwamambo Ahashveroshi kwakati kwanyarara, akaraŋgarira Vashti neɀaakaita, necireʋo cakatemŋa pamsoro pake.
2
Ipapo ʋaranda ʋamambo ʋaimuɓatira, ʋakati: Mambo ŋgaatȿakirwe mhandara dzakanaka;
3
mambo ŋgaaise ʋatariri pamatiʋi ose oʋushe bgake, ʋaʋuŋganidze mhandara dzose dzakanaka paShushani nhare yamambo, paimba yaʋakadzi, ʋaceŋgetwe naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi; ʋapiwe ʋo ɀaʋaŋgaɀinatsa naɀo;
4
ɀino musikana unofarirwa namambo ŋgaaʋe ʋahosi panɀimbo yaVashti. Iɀoɀo ɀikafadza mambo, akaita saiɀoɀo.
5
Ɀino paShushani panhare yamambo pakaŋga panomuJuda, wainzi Mordekai, mŋanakomana waJairi, mŋanakomana waShimei, mŋanakomana waKishi, muBenjamini,
6
wakaŋga atapxa Jerusarema, pamŋe cete naʋatapxa ʋakaŋga ʋatapxa naJekonia mambo waJuda, wakaŋga atapxa naNebukadnezari mambo weBabironi.
7
Iye wakaŋga arera Hadasa, ndiye Estere, mukunda waɓaɓamunini wake; nokuti wakaŋga asinaɓaɓa namai; ɀino musikana uyu wakaŋga akanaka paʋumiro bgake napaciso cake; pakufa kwaɓaɓa ʋake namai ʋake Mordekai ndokumutora, akamuita mukunda wake.
8
Ɀino murairo wamambo necireʋo cake ɀakati ɀanzwika, ʋasikana ʋazhinji ʋakaʋuŋganidzwa paShushani nhare yamambo, paʋaiceŋgetwa naHegai, Estere akatorwa ʋo, akaiswa mumba mamambo, akaceŋgetwa naHegai mutariri waʋakadzi.
9
Musikana uyu akamufadza, akanzwirwa tsitsi naye, akacimbidzika kumupa ɀaaŋgaɀinatsa naɀo, nemigoʋe yake yeɀokudya ʋuye ʋasikana ʋanomŋe ʋaakafanira kupiwa, ʋaibva paimba yamambo; akamuisa iye naʋasikana ʋake pakaŋga pakaiȿo‐naka paimba yaʋakadzi.
10
Asi Estere wakaŋga asina‐kuʋaziʋisa rudzi rwake nehama dzake; nokuti Mordekai wakaŋga amuraira, kuti arege kuʋaziʋisa iɀoɀo.
11
Ɀino Mordekai waifamba pamberi poruʋazhe rweimba yaʋakadzi mazuʋa ose, agoziʋa kuti Estere wakaɗini, ʋuye kuti ʋacaitei naye.
12
Ɀino dzoro romusikana mumŋe nomumŋe rakati riciȿika kupinda kunamambo Ahashveroshi, kana aitirwa ɀose nomurairo waʋakadzi mŋedzi inegumi nemiʋiri, (nokuti mazuʋa okunatswa kwaʋo akapera kuɗai: Mŋedzi mitanhatu ʋacizora mafuta emura, mŋedzi mitanhatu ɀinonhuwira, ʋuye ɀimŋe ɀinhu ɀokunatsa ʋakadzi naɀo,)
13
ɀino musikana akapinda nomutoʋo wakaɗaro kunamambo, ʋuye cinhu cipi necipi caaiɗa waicipiwa, kuti aɓuɗe naco paimba yaʋakadzi, apinde mumba mamambo.
14
Waienda maɗekwana, ndokudzokera maŋgwana kuimba yecipiri yaʋakadzi, paaiceŋgetwa naShaashgazi, muranda wamambo, waiceŋgeta ʋaroŋgo; haazaipinda ɀe kunamambo, asi kana aciŋge afarirwa namambo, akaɗanwa nezita rake.
15
Ɀino dzoro raEstere mukunda waAbihairi, ɓaɓamunini ʋaMordekai, wakaŋga amutora akamuita mukunda wake, rakati riciȿika rokupinda kunamambo, haana‐kukumbira cinhu asi iɀo ɓedzi ɀakaŋga ɀarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri waʋakadzi. Ɀino Estere akanzirwa tsitsi naʋose ʋaimuʋona.
16
Naiɀoɀo Estere akaiswa kunamambo Ahashveroshi muimba yake yoʋushe nomŋedzi wegumi, ndiwo mŋedzi weTebeti, pagore recinomŋe rokuɓata kwake ʋushe.
17
Mambo akaɗa Estere kupfuʋura ʋamŋe ʋakadzi ʋose, akanzwirwa tsitsi noʋunyoro naye kupfuʋura dzimŋe mhandara dzose; naiɀoɀo akaisa korona yoʋuhosi pamusoro wake, akamuita ʋahosi panɀimbo yaVashti.
18
Ipapo mambo akaitira macinda ake ose naʋaranda ʋake ʋose mutambo mukuru, uri mutambo waEstere; akaraira zororo pamatiʋi enyika, akagoʋera ɀipo, mambo asiŋganyimi napaɗuku.
19
Ɀino pakuʋuŋganidzwa kwemhandara rwecipiri, Mordekai wakaŋga agere pasuʋo ramambo.
20
Estere wakaŋga acigere kuʋaziʋisa hama dzake kana rudzi rwake, seɀaakarairwa naMordekai; nokuti Estere wakaterera murairo waMordekai, seɀaaisiita acarerwa naye.
21
Ɀino pamazuʋa iwayo Mordekai agere pasuʋo ramambo, ʋaranda ʋaʋiri ʋamambo, Bigtani naTereshi, pakati paʋarindi ʋomukoʋa, ʋakatsamŋa ʋakatȿaka kuʋuraya mambo Ahashveroshi.
22
Cinhu ico cikazikanwa naMordekai, iye ndokuziʋisa ʋahosi Estere, Estere akandoʋudza mambo nezita raMordekai.
23
Ɀino ʋakati ʋacinɀera cinhu ico, ʋakawana kuti ɀirokwaɀo, ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakasuŋgirirwa pamuti; ɀikanyorwa mubuku yamakoronike pamberi pamambo.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10