bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Esther 6
Esther 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
1
Ɀino ʋusiku ubgo mambo wakashaiwa hope, akaraira kuti ʋaʋuye nebuku yamashoko amakoronike, akaraʋirwa mambo.
2
Ʋakawana kuti pakanyorwa kuti Mordekai wakaɗeya kuziʋisa mashoko aBigtana naTereshi, ʋaranda ʋaʋiri ʋamambo pakati paʋarindi ʋomukoʋa, ʋakatȿaka kuʋuraya mambo Ahashveroshi.
3
Ipapo mambo akati: Mordekai wakakudzwa nokurumbidzwa seiko pamsoro pecinhu ici? Ʋaranda ʋamambo ʋaimuɓatira ʋakati: Haana‐caakaitirwa.
4
Mambo akati: Ndianiko uri paruʋazhe? Ɀino Hamani wakaŋga apinda paruʋazhe rwokunze rweimba yamambo, aciɗa kukumbira kunamambo kuti Mordekai asuŋgirirwe pamatanda aakaŋga amugadzirira.
5
Ʋaranda ʋamambo ʋakati kwaari: Tarirai, Hamani umire paruʋazhe. Mambo akati: Ŋgaapinde.
6
Naiɀoɀo Hamani akapinda. Mambo akati kwaari: Munhu mambo waanoɗa kumukudza uŋgaitirweiko? Ɀino Hamani akati mumŋoyo make: Mambo ʋaŋgaɗa kukudza aniko, asi ini?
7
Hamani akati kunamambo: Iye munhu mambo waanoɗa kukudza,
8
ŋgaatorerwe ŋguʋo dzoʋushe, idzo dzinosifukwa namambo, nebiza rinositaȿwa namambo, nekorona yoʋushe inosidzikwa pamusoro wake;
9
ɀino ŋguʋo nebiza ŋgaɀiiswe pamaʋoko omumŋe wamacinda amambo unokudzwa kwaɀo, kuti ʋafukidze munhu uyo mambo waanoɗa kukudza, ʋagomufambisa munzira dzomuguta, akataȿa biza, ʋaɗanidzire pamberi pake, ʋaciti: Munhu mambo waanoɗa kukudza ŋgaaitirwe saiɀoɀo.
10
Ipapo mambo akati kunaHamani: Cimbidzika utore ŋguʋo nebiza, seɀawataura, undoitira Mordekai muJuda saiɀoɀo, iye ugere pasuʋo ramambo; usarega shoko rimŋe pamashoko ose awataura.
11
Ɀino Hamani akatora ŋguʋo nebiza, akafukidza Mordekai, akamufambisa panzira dzomuguta akataȿa biza, akaɗanidzira pamberi pake, aciti: Ndiɀo ɀicaitirwa munhu uyo mambo waanoɗa kukudza.
12
Ɀino Mordekai akadzokera kusuʋo ramambo. Asi Hamani wakacimbidzika kuenda kumba kwake acicema, akafukidza musoro wake.
13
Hamani akarondedzera kunaZereshi mukadzi wake neshamŋari dzake dzose ɀose ɀaakaitirwa. Ipapo shamŋari dzake dzakaŋgwara naZereshi mukadzi wake ʋakati kwaari: Kana Mordekai uyu wawakataŋga kuwa pamberi pake ari worudzi rwaʋaJuda, hauŋgakundi, asi ɀirokwaɀo ucawa pamberi pake.
14
Ʋakati ʋacataura naye, ʋaranda ʋamambo ʋakaȿika, ʋakacimbidzika kuenda naHamani kumafundo akaŋga agadzirwa naEstere.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10