bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Esther 8
Esther 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 9 →
1
Ɀino pazuʋa iro mambo Ahashveroshi wakapa ʋahosi Estere imba yaHamani, iye muʋeŋgi waʋaJuda. Mordekai akaȿika pamberi pamambo, nokuti Estere wakaŋga aʋudza mambo kuti cinyi cake.
2
Mambo akabvisa cindori cake caakaŋga atora panaHamani, akacipa Mordekai. Estere ndokuita Mordekai mutariri weimba yaHamani.
3
Estere akataura ɀe pamberi pamambo, akaɀiwisira pasi pamakumbo ake, akacema kwaari nemisodzi kuti aparadze zano rakaipa raHamani muAgagi, nezano rake raakaŋga afuŋga pamsoro paʋaJuda.
4
Mambo akatambanudzira Estere tȿimbo yendarama. Ipapo Estere akasimuka akamira pamberi pamambo.
5
Akati: Kana mambo acifara naɀo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo aciti ɀakanaka, ini ndikamufadza haŋgu, ŋwadi ŋgadzinyorwe dzicashandura ŋwadi dzaiʋa nezano raHamani mŋanakomana waHamedata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza ʋaJuda ʋari pamatiʋi ose enyika yamambo;
6
nokuti ini ndiŋgagona seiko kuʋona ɀakaipa ɀicaitirwa ʋanhu ʋaŋgu? Ndiŋgagona seiko kuʋona kuparadzwa kwaʋanhu ʋaŋgu!
7
Ipapo mambo Ahashveroshi akati kunaʋahosi Estere naMordekai muJuda: Tarirai ndapa Estere imba yaHamani, asi iye ʋakamusuŋgirira pamatanda, nokuti wakaɗa kuʋuraya ʋaJuda.
8
Ɀino imi ʋo cinyorerai ʋaJuda, seɀamunoɗa, nezita ramambo, muɀisimbise necindori camambo; nokuti rugwaro rwakanyorwa nezita ramambo, rukasimbiswa necindori camambo, haruŋgashandurwi nomunhu.
9
Ɀino ʋanyori ʋamambo ʋakaɗanwa paŋguʋa iyo, pamŋedzi wecitatu, uri mŋedzi weSivani, pazuʋa ramakumi maʋiri namatatu; ʋakanyora ɀose Mordekai ɀaakaraira ʋaJuda, namacinda makuru, naʋaɓati, namacinda amatiʋi enyika, kubva paIndia kuȿikira paEtiopia, matiʋi enyika anezana namakumi maʋiri namanomŋe, rutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika nomunyorere warwo, ʋuye rudzi rumŋe norumŋe norurimi rwarwo, naʋaJuda nomunyorere waʋo ʋuye norurimi rwaʋo.
10
Akanyora nezita ramambo Ahashveroshi, akadzisimbisa necindori camambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakataȿa mabiza, dzakataȿa mabiza aimhanyisa kwaɀo paɓasa ramambo, akaɓerekwa paɀipfuwo ɀamambo.
11
Mambo akatendera paŋwadi idzo ʋaJuda paguta rimŋe nerimŋe kuʋuŋgana, nokurwira ʋupenyu bgaʋo, ʋaparadze, ʋaʋuraye, ʋapedze simba rose raʋanhu neramatiʋi enyika kana ʋaiɗa kuʋaʋamba iʋo naʋanana ʋaʋo naʋakadzi ʋaʋo, ʋuye ʋatore nhumbi dzaʋo ʋadzipambare,
12
ɀose ɀiitwe pazuʋa rimŋe pamatiʋi ose enyika yose yamambo Ahashveroshi, iro zuʋa regumi namatatu romŋedzi wegumi nemiʋiri, uri mŋedzi weAdari.
13
Mashoko orugwaro urwu akatumŋa kuʋanhu ʋose, kuti cireʋo ciparidzwe pamatiʋi ose enyika, kuti ʋaJuda ʋaɀigadzirire zuʋa iro ʋatsiʋe ʋaʋeŋgi ʋaʋo.
14
Naiɀoɀo nhume, dzakataȿa mabiza anomhanyisa kwaɀo paɓasa ramambo, dzakaenda dzicicimbidzikiswa nokukurudzirwa nomurairo wamambo; cireʋo ico cikatemŋa paShushani nhare yamambo.
15
Mordekai akaɓuɗa pamberi pamambo, akafuka ŋguʋo dzoʋushe, nhema necena, akadzika korona huru yendarama, aneŋguʋo yomuceka wakaiȿo‐naka mushaʋa; guta reShushani rikapururudza, rikafara.
16
ƲaJuda ʋakaʋa neciedza, nomufaro, nokufara kukuru, nokukudzwa.
17
Ɀino parutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika, napaguta rimŋe nerimŋe, pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, ʋaJuda ʋakafara nomufaro mukuru, ʋakaita mutambo nezuʋa romufaro. Ʋanhu ʋazhinji pakati pendudzi dzaʋanhu dzenyika ʋakazoʋa ʋaJuda; nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋaJuda kwaɀo.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10