bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Esther 5
Esther 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 6 →
1
Ɀino pazuʋa recitatu Estere wakafuka ŋguʋo dzake dzoʋuhosi, akandomira paruʋazhe rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo wakaŋga agere pacigaro cake coʋushe paimba yake yoʋushe, pakatarisana nomukoʋa weimba.
2
Ɀino mambo wakati aciʋona ʋahosi Estere amire paruʋazhe, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Estere tȿimbo yendarama yakaŋga iri muruʋoko rwake. Ipapo Estere akasweɗera, akaɓata muromo wetȿimbo.
3
Ɀino mambo akati kwaari: Unoreʋeiko ʋahosi Estere? Unokumbireiko? Ucaɀipiwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu.
4
Estere akati: Kana mambo acifara naɀo, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye nhasi kumafundo andakamugadzirira.
5
Ipapo mambo akati: Hamani ŋgaacimbidzike, kuti ɀakarebga naEstere ɀiitwe. Naiɀoɀo mambo naHamani ʋakaenda kumafundo akaŋga agadzirwa naEstere.
6
Ɀino mambo akati kunaEstere pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu.
7
Ipapo Estere akapindura akati: Kunyeŋgetera kwaŋgu nokukumbira kwaŋgu ndikoku:
8
Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo aciɗa kundipa candinonyeŋgetera, nokuita candinokumbira, mambo naHamani ŋgaʋaʋuye kumafundo andicaʋagadzirira, maŋgwana ndicaita seɀarebga namambo.
9
Ipapo Hamani wakaenda nezuʋa iro acifara, anomŋoyo mucena; asi Hamani wakati aciʋona Mordekai pasuʋo ramambo, kuti wakaramba kumusimukira, kana kumutya, akaȿotwa kwaɀo pamsoro paMordekai.
10
Asi Hamani wakaɀidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzoɗana shamŋari dzake nomukadzi wake Zereshi.
11
Hamani akaʋarondedzera kubginya kwefuma yake, nokuwanda kwaʋana ʋake, namakudzirwe aakaitwa namambo, namapfuʋudzirwe ake aʋe mukuru kumacinda naʋaranda ʋose ʋamambo.
12
Hamani akapfuʋura akati: Naʋahosi Estere haʋana‐kutendera mumŋe munhu kupinda namambo kumafundo aʋakagadzira, asi ini ndoga; ʋuye maŋgwana ʋo ndaɗanwa naʋo pamŋe cete namambo.
13
Asi iɀo ɀose haɀindiɓetseri cinhu, kana ndicigara ndiciʋona Mordekai muJuda agere pasuʋo ramambo.
14
Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamŋari dzake dzose ʋakati kwaari: Rairai kuti ʋagadzire matanda anamakubiti makumi mashanu pakureɓa kwawo, maŋgwana mugokumbira kunamambo kuti Mordekai asuŋgirirwe paari; ipapo muŋgapinda henyu nomufaro namambo kumafundo. Ɀino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10