bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Esther 7
Esther 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
1
Ɀino mambo naHamani ʋakaȿika pamafundo aʋahosi Estere.
2
Mambo akati ɀe kunaEstere pazuʋa recipiri, pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera, ʋahosi Estere? Ucacipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu.
3
Ipapo ʋahosi Estere ʋakapindura ʋakati: Kana ndiciŋge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ʋupenyu bgaŋgu nokuɗa kwokunyeŋgetera kwaŋgu, nobgaʋanhu ʋaŋgu nokuɗa kwokukumbira kwaŋgu;
4
nokuti tateŋgeswa, ini naʋanhu ʋaŋgu, kuti tiparadzwe, tiʋurawe, tipedzwe. Ƌai takaŋga tateŋgeswa tiʋe ʋaranda naʋashandiri, ndiŋgaɗai ndanyarara haŋgu, nokuti kutambudzika kweɗu hakuŋgaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo.
5
Ipapo mambo Ahashveroshi akapindura, akati kunaʋahosi Estere: Ndianiko, uripi iye wakafuŋga mumŋoyo make kuita iɀoɀo?
6
Estere akati: Mudziʋisi nomuʋeŋgi, ndiye Hamani uyu wakaipa! Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo naʋahosi.
7
Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamŋa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimuka ʋo kuzokumbira ʋupenyu bgake kunaʋahosi Estere, nokuti wakaʋona kuti mambo wakafuŋga kumuitira ɀakaipa.
8
Ipapo mambo wakadzoka acibva pamunda weimba yamambo akapinda panɀimbo yamafundo ewaini; ɀino Hamani wakaŋga aɀiwisira pacigaro pakaŋga pagere Estere. Mambo akati: Ɀino wotoɗa kucinya ʋahosi muno mumba pamberi paŋgu kanhi? Ɀino shoko iro rakati raɓuɗa mumuromo wamambo, ʋakafukidza ciso caHamani.
9
Ipapo Harbona, mumŋe muranda wakaŋga ari pamberi pamambo, akati: Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareɓa anamakubiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asuŋgirire’po Mordekai, wakataura ɀakanaka nokuɗa kwamambo. Mambo akati: Musuŋgirirei’po paari.
10
Naiɀoɀo ʋakasuŋgirira Hamani pamatanda aakagadzirira Mordekai. Ipapo kutsamŋa kwamambo kwakanyarara.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10