bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Esther 9
Esther 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
1
Ɀino nomŋedzi wegumi nemiʋiri, iwo mŋedzi weAdari, nezuʋa regumi namatatu, ŋguʋa yakati yasweɗera yokuti murairo wamambo necireʋo cake ɀiitwe, pazuʋa rakafuŋga ʋaʋeŋgi ʋaʋaJuda kuʋamukira naro; asi ɀakashandurwa, nokuti ʋaJuda ʋakamukira ʋaʋeŋgi ʋaʋo;
2
ʋaJuda ʋakaʋuŋgana pamaguta aʋo pamatiʋi ose enyika dzamambo Ahashveroshi, kuti ʋaʋuraye aʋo ʋakatȿaka kuʋaitira ɀakaipa; hakuna‐wakaŋga acigona kuʋadziʋisa, nokuti ʋanhu ʋose ʋakaʋatya.
3
Macinda ose amatiʋi enyika, namacinda makuru, naʋaɓati, ʋaiɓate‐ɓasa ramambo, ʋakaɓatsira ʋaJuda; nokuti ʋakatya Mordekai.
4
Nokuti Mordekai wakaŋga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakaŋga yaȿika kumatiʋi ose enyika; nokuti murume uyu Mordekai wakaramba acikura.
5
ƲaJuda ʋakaparadza ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose, nokuʋatema neminondo, nokuʋaʋuraya, nokuʋaparadza, ʋakaitira ʋaʋeŋgi ʋaʋo seɀaʋaiɗa.
6
NapaShushani nhare yamambo, ʋaJuda ʋakaʋuraya nokuparadza ʋarume ʋanamazana mashanu.
7
Parshandata, naDarfoni, naAspata,
8
naPorata, naAdaria, naAridata,
9
naParmashta, naArisai, naAridai, naVaizata,
10
iʋo ʋanakomana ʋanegumi ʋaHamani mŋanakomana waHamedata, muʋeŋgi waʋaJuda, ʋakaʋaʋuraya ʋo; asi haʋana‐kupambara nhumbi dzaʋo.
11
Pazuʋa iro kuwanda kwaʋakaʋurawa paShushani nhare yamambo kwakaʋereŋgwa kukaiswa kunamambo.
12
Ipapo mambo akati kunaʋahosi Estere: ƲaJuda ʋaʋuraya nokuparadza paShushani nhare yamambo, ʋarume ʋanamazana mashanu, naʋanakomana ʋanegumi ʋaHamani; ndoɗa ɀaʋakaita kunamamŋe matiʋi enyika yamambo! Ɀino cinyiko caunonyeŋgetera? Ucaɀipiwa. Kana cinyiko caunokumbira ɀino? Ɀicaitwa.
13
Ipapo Estere akati: Kana mambo acifara naɀo, ʋaJuda ʋari paShushani ŋgaʋatenderwe kuita maŋgwana ʋo necireʋo canhasi, naʋanakomana ʋaHamani ʋanegumi ʋasuŋgirirwe pamatanda.
14
Ipapo mambo akaraira kuti ɀiitwe saiɀoɀo; cireʋo cikatemŋa paShushani, ʋakasuŋgirira ʋanakomana ʋaHamani ʋanegumi.
15
ƲaJuda ʋaiʋa paShushani ʋakaʋuŋgana ɀe nezuʋa regumi namanna romŋedzi weAdari, ʋakaʋuraya ʋarume ʋanamazana matatu paShushani, asi haʋana‐kupambara nhumbi.
16
Naʋamŋe ʋaJuda ʋaiʋa pamatiʋi enyika yamambo ʋakaʋuŋgana, ʋakarwira ʋupenyu bgaʋo, ʋakazorora paʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋakaʋuraya pakati paʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋaneɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀishanu; asi haʋana‐kupambara nhumbi.
17
Iɀoɀo ɀakaitwa nezuʋa regumi namatatu romŋedzi weAdari, ʋakazorora nezuʋa regumi namanna, ʋakariita zuʋa romutambo neromufaro.
18
Asi ʋaJuda ʋaiʋa paShushani ʋakaʋuŋgana pazuʋa regumi namatatu napazuʋa regumi namanna romŋedzi iwoyo; nezuʋa regumi namashanu romŋedzi uyo ʋakazorora, ʋakariita zuʋa romutambo neromufaro.
19
Naiɀoɀo ʋaJuda ʋemisha, ʋanogara pamisha isina‐kukombga namaȿiŋgo, ʋanoita zuʋa regumi namanna romŋedzi weAdari zuʋa romufaro neromutambo, ʋuye zuʋa rakanaka, nerokutumirana ɀinonaka.
20
Ɀino Mordekai wakanyora ɀinhu iɀo, akatuma ŋwadi kuʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋari pamatiʋi ose enyika yamambo Ahashveroshi, pedyo nokure,
21
akaʋaraira kuti ʋaraŋgarire zuʋa iro regumi namanna romŋedzi weAdari, nezuʋa regumi namashanu rawo, gore rimŋe nerimŋe,
22
nokuti ndiwo mazuʋa ʋaJuda aʋakazorodzwa nawo paʋaʋeŋgi ʋaʋo, nomŋedzi waʋakashandurirwa nawo kucema kwaʋo ukaʋa mufaro, ʋuye zuʋa rokucema rikaʋa zuʋa rakanaka; ʋuye kuti ʋaaite mazuʋa omutambo noomufaro, nookutumirana ɀinonaka ʋuye ɀipo kuʋarombo.
23
ƲaJuda ʋakatenda kuita nomutoʋo waʋakataŋga nawo, seɀaʋakanyorerwa naMordekai;
24
nokuti Hamani mŋanakomana waHamedata muAgagi, muʋeŋgi waʋaJuda ʋose, wakaŋga afuŋga zano rokuparadza ʋaJuda, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuʋapedza nokuʋaparadza;
25
asi shoko iri rakati riciȿika kunamambo, iye ndokuraira neŋwadi kuti zano iri rake rakaipa raakafuŋga pamsoro paʋaJuda, ridzoserwe pamusoro wake, ʋuye kuti iye naʋanakomana ʋake ʋasuŋgirirwe pamatanda.
26
Naiɀoɀo ʋakatumidza zita ramazuʋa iwayo Purimi nezita rePuri. Ɀino nokuɗa kwamashoko ose eŋwadi iyo, neɀaʋakaʋona pamsoro pecinhu ico, neɀaʋakaitirwa,
27
ʋaJuda ʋakatema cireʋo ʋakaɀisuŋga, kuti iʋo naʋana ʋaʋo, naʋose ʋaizoɀiisa kwaʋari, haʋaŋgatoŋgoregi kuraŋgarira mazuʋa iwayo maʋiri, seɀakaŋga ɀanyorwa pamsoro pawo, ʋuye paŋguʋa yakaŋga yatarwa gore rimŋe nerimŋe;
28
ʋuye kuti mazuʋa iwayo araŋgarirwe nokutambga pakati porudzi rumŋe norumŋe, nemhuri imŋe neimŋe, norutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika, neguta rimŋe nerimŋe; ʋuye kuti mazuʋa iwayo ePurimi arege kutoŋgoregwa pakati paʋaJuda, araŋgarirwe nokusiŋgaperi pakati paʋana ʋaʋo.
29
Ipapo ʋahosi Estere, mukunda waAbihairi, naMordekai muJuda, ʋakanyora nesimba raʋo rose ʋakasimbisa ŋwadi iyo yecipiri yePurimi.
30
Akatuma ŋwadi kuʋaJuda, ʋose ʋakaŋga ʋari pamatiʋi anezana namakumi maʋiri namanomŋe enyika yamambo Ahashveroshi, akaŋga anamashoko orugare neɀokwaɗi,
31
kuzosimbisa mazuʋa iwayo ePurimi paŋguʋa dzawo dzakatarwa, seɀaʋakarairwa naMordekai muJuda naʋahosi Estere, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋaɀisuŋga iʋo naʋana ʋaʋo pamsoro peshoko rokuɀinyima ɀokudya nerokucema kwaʋo.
32
Murairo waEstere ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; ɀikanyorwa mubuku.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10