bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Kings 11
2 Kings 11
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 12 →
1
Zvino Ataria mai vaAhazia, wakati achiona kuti mwanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza vose vorudzi rwamambo.
2
Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhazia, wakatora Joashi mwanakomana waAhazia, akamuba pakati pavanakomana vamambo vaiurawa, iye nomureri wake, mumba mokuvata; vakamuvanza panaAtaria, naizvozvo haana kuurawa.
3
Akagara naye akavanzwa mumba maJehovha makore matanhatu; Ataria akabata ushe panyika.
4
Zvino negore rechinomwe Jehoyadha akatuma vanhu vakatora vakuru vamazana vavaKari navarindi vamambo, akauya navo kwaari mumba maJehovha, akaita sungano navo, akavapikisa mumba maJehovha, akavaratidza mwanakomana wamambo.
5
Akavaraira, akati, “Munofanira kuita kudai, Imi munopinda neSabata, chetatu chenyu munofanira kuva varindi veimba yamambo;
6
chimwe chetatu munofanira kumira pasuo rinonzi Suri; chimwe chetatuzve vanofanira kumira pasuo riri shure kwavarindi vamambo; saizvozvo munofanira kurinda imba, nokuidzivirira.
7
Mapoka enyu maviri, imi mose munobuda neSabata, munofanira kurinda imba yaJehovha muchikomba mambo.
8
Mukombe mambo, mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake; Ani naani unopinda pakati pemisara, unofanira kuurawa; mugare namambo kana achibuda uye kana achipinda.”
9
Vakuru vamazana vakaita zvose zvavakarairwa nomupristi Jehoyadha; mumwe nomumwe akatora vanhu vake, ivo vaifanira kupinda neSabata, naivo vaifanira kubuda neSabata, vakasvika kumupristi Jehoyadha.
10
Mupristi akapa vakuru vamazana mapfumo nenhowo zvaiva zvamambo Dhavhidhi, zvakanga zviri mumba maJehovha.
11
Zvino varindi vamambo vakamira mumwe nomumwe akabata nhumbi dzokurwa nadzo muruoko rwake, kubva kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, napaaritari neimba, vakakomba mambo.
12
Ipapo akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza; ndokuridza nhondo, vachiti, “Mambo ngaararame!”
13
Zvino Ataria wakati achinzwa mhere-mhere yavarindi vamambo navanhu, akapinda kuvanhu mumba maJehovha.
14
Akatarira, ndokuona mambo amire pambiru, netsika yavo, navakuru navakanga vane hwamanda vamire kuna mambo; vanhu vose venyika vakafara, vakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake, akadanidzira, achiti, “Ndamukirwa, ndamukirwa!”
15
Zvino mupristi Jehoyadha akaraira vakuru vamazana, vairaira hondo, akati kwavari, “Mubudisei pakati pemisara yavanhu; Ani naani unomutevera iye, munofanira kumuuraya nomunondo; nokuti mupristi wakati, ‘Ngaarege kuurayiwa mukati meimba yaJehovha.’ ”
16
Naizvozvo vakamudzivirira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabhiza nayo kumba kwamambo, ndokuurayirwapo.
17
Zvino Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo navanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uyewo pakati pamambo navanhu.
18
Vanhu vose venyika vakaenda kumba kwaBhaari, vakaiputsa; vakaputsa kwazvo aritari dzake nemifananidzo yake, vakauraya Matani mupristi waBhaari pamberi pearitari. Mupristi akagadza vatariri paimba yaJehovha.
19
Akatora vakuru vamazana, navaKari, navarindi vamambo, navanhu vose venyika, vakaburusa mambo paimba yaJehovha, vakaenda kumba kwamambo nenzira yesuo ravarindi vamambo. Iye akagara pachigaro choushe chamadzimambo.
20
Naizvozvo vanhu vose venyika vakafara, guta rikanyarara; vakauraya Ataria nomunondo paimba yamambo.
21
Jehoashi wakatanga kubata ushe ana makore manomwe.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25