bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Kings 9
2 Kings 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 10 →
1
Zvino muporofita Erisha wakadana mumwe wavanakomana vavaporofita, akati kwaari, “Chizvisunga chiwuno chako, utore chinu ichi chamafuta muruoko rwako uende Ramotigireadhi.
2
Zvino kana wasvikapo, utsvakepo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati.
3
Ipapo utore chinu chamafuta, ugoadira pamusoro wake, uchiti, ‘Zvanzi naJehovha, ndakuzodza, kuti uve mambo weIsiraeri. Ipapo uzarure mukova, utize, usanonoka.’ ”
4
Naizvozvo jaya, iro jaya romuporofita, rakaenda Ramotigireadhi.
5
Wakati asvikapo, akawana vakuru vehondo vagere pasi; akati, “Ndine shoko nemi, imi mukuru.” Jehu akati, “Kunani, kwatiri tose?” Iye akati, “Kunemi, imi mukuru.”
6
Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Ndakuzodza uve mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.’
7
“Uchaparadza imba yatenzi wako Ahabhi, kuti nditsive ropa ravaranda vose vaJehovha kuna Izebheri.
8
Nokuti vose veimba yaAhabhi vachaparadzwa, ndichaparadza kuna Ahabhi vana vavakomana vose, vakuru navaduku pakati peIsiraeri.
9
“Ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija.
10
Imbwa dzichadya Izebheri panyika yeJezereri, hakuna uchamuviga.” Ipapo akazarura mukova, ndokutiza.
11
Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake, mumwe akati kwaari, “Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingeiko kwauri?” Iye akati kwavari, “Munoziva henyu munhu uyu, nokutaura kwake.”
12
Ivo vakati, “Inhema! Tiudze.” Iye akati, “Wandiudza zvokuti nezvokuti,” akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndakakuzodza uve mambo weIsiraeri.’ ”
13
Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, “Jehu ndimambo!”
14
Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu wakanga achidzivirira Ramotigireadhi, iye navaIsiraeri vose, nokuda kwaHazaeri mambo weSiria.
15
Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, “Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereri.”
16
Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.
17
Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, “Ndinoona boka ravanhu.” Joramu akati, “Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, ‘Kunorugare here?’ ”
18
Naizvozvo mumwe akakwira bhiza, akandosangana naye, akati, “Zvanzi namambo, ‘Kuno rugare here?’ ” Jehu akati, “Uneiko norugare? Enda shure kwangu.” Ipapo nharirire yakataura, ikati, “Nhume yakasvika kwavari, asi haidzokizve.”
19
Zvino akatuma wechipiri, wakanga akatasva bhiza, iye akasvika kwaari, akati, “Zvanzi namambo, ‘Kuno rugare here?’ ” Jehu akapindura, akati, “Uneiko norugare? Enda shure kwangu.”
20
Zvino nharirire yakataura, ikati, “Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa.”
21
Ipapo Joramu akati, “Sungai ngoro!” Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo weIsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereri.
22
Zvino Joramu wakati achiona Jehu, akati, “Kuno rugare here, nhai Jehu?” Iye akapindura, akati, “Rugare rwei! Kana upfeve hwamai vako Izebheri nouruoyi hwavo huchiripo huzhinji hwakadai!”
23
Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, “Tanyengerwa Ahazia!”
24
Ipapo Jehu akahwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamwoyo wake, akawira mungoro yake.
25
Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, “Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereri; nokuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.
26
“Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha.”
27
Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, “Muuraye naiyewo mungoro.” Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.
28
Varanda vake vakamutakurira Jerusaremu nengoro, vakamuviga pahwiro hwake kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.
29
Ahazia akatanga kubata ushe hwaJudha pagore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi.
30
Zvino Jehu wakati achisvika paJezereri, Izebheri akazvinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushongedza musoro wake, akatarira napawindo.
31
Zvino Jehu akati achipinda napasuo, akati, “Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?”
32
Iye akatarira kumusoro kuwindo, akati, “Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko?” Ipapo varanda vaviri kana vatatu vakatarira kwaari napawindo.
33
Akati, “Musundire pasi.” Naizvozvo vakamusundira pasi, rimwe ropa rake rikachambwadzira pamadziro napamabhiza, akamutsika namakumbo ake.
34
Zvino wakati apinda, akadya nokunwa, akati, “Zvino chiendai mundotarira mukadzi uyo akatukwa, mumuvige, nokuti mukunda wamambo.”
35
Vakaenda kundomuviga, asi havana kuwana chinhu, asi dehenya rake, netsoka, nezvanza zvamaoko ake.
36
Naizvozvo vakadzoka vakamuudza. Iye akati, “Ndiro shoko raJehovha, raakataura nomuranda wake Eria muTishibhi, zvaakati, ‘Imbwa dzichadya nyama yaIzebheri panyika yeJezereri;
37
uye chitunha chaIzebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda panyika yeJezereri; naizvozvo havangati, uyu ndiye Izebheri.’ ”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25