bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Kings 14
2 Kings 14
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 15 →
1
Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo weIsiraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe.
2
Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu.
3
Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi.
4
Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
5
Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake.
6
Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi, sezvakaraira Jehovha, achiti, “Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.”
7
Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi.
8
Zvino Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo weIsiraeri, akati, “Uya tionane.”
9
Jehoashi mambo weIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato.
10
Iwe wakunda vaEdhomu, zvino mwoyo wako wozvikudza; chikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?”
11
Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo weIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha.
12
VaJudha vakakundwa navaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
13
Jehoashi mambo weIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana.
14
Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napapfuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
15
Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri?
16
Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo eIsiraeri; Jerobhoamu akamutevera paushe.
17
Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsiraeri.
18
Zvino mamwe mabasa aAmazia haana kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?
19
Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo.
20
Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.
21
Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakanga anamakore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.
22
Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.
23
Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo weIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.
24
Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
25
Akakundazve nyika yeIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari weIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi.
26
Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusino mubetseri waIsiraeri.
27
Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita reIsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.
28
Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri?
29
Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo eIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25