bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Kings 6
2 Kings 6
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 7 →
1
Zvino vanakomana vavaporofita vakati kuna Erisha, “Tarirai zvino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiringani.
2
Titenderei henyu tiende kwaJorodhani, mumwe nomumwe atore danda’po, tizvivakirepo paatingagara.” Iye akapindura, akati, “Endai henyu.”
3
Zvino mumwe akati, “Tinokumbira kuti imi mutende kuendawo navaranda venyu.” Akapindura akati, “Ndichaenda.”
4
Naizvozvo akaenda navo. Vakati vasvika kwaJorodhani, vakatema matanda.
5
Asi mumwe wakati achitema danda, demo ndokuwira mumvura; akadanidzira, achiti, “Haiwa! Tenzi wangu! Nokuti rakanga rakumbirwa.”
6
Munhu waMwari akati, “Yawirepiko?” Akamuratidza payakanga yawira. Erisha akatema rutanda, akarukandirako, akapapamadza demo.
7
Akati, “Chiritora hako.” Iye akatambanudza ruoko rwake, akaritora.
8
Zvino mambo weSiria wakarwa navaIsiraeri; akarangana navaranda vake, akati, “Matende angu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti.”
9
Zvino munhu waMwari ndokutuma shoko kuna mambo weIsiraeri, akati, “Chenjerai, murege kupfuura nopokuti, nokuti vaSiria voburukira ipapo.”
10
Ipapo mambo weIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi.
11
Naizvozvo mwoyo wamambo weSiria akanyaniswe kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, “Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo weIsiraeri?”
12
Mumwe wavaranda vake akati, “Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati peIsiraeri, ndiye unoudza mambo weIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.”
13
Akati, “Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora.” Akaudzwa, zvichinzi, “Uri paDhotani.”
14
Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta.
15
Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, “Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?”
16
Iye akapindura, akati, “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.”
17
Zvino Erisha akanyengetera, akati, “Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.
18
Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, “Dorovai vanhu ava noupofu.” Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.
19
Erisha akati kwavari, “Haizi iyo nzira, uye guta iri harizi iro; nditeverei ini, ndikuisei kumunhu wamunotsvaka.” Akaenda navo Samaria.
20
Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone.” Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.
21
Zvino mambo weIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, “Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?”
22
Iye akapindura, akati, “Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vanwe, vaende kuna tenzi wavo.”
23
Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokunwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yeIsiraeri.
24
Shure kwaizvozvo, Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria.
25
Nzara huru ikavapo paSamaria; nokuti vakarikomba kusvikira musoro wembongoro uchitengeswa namashekeri esirivha ana makumi masere, nechitswanda chiduku chamatoto enjiva chichitengeswa namashekeri esirivha mashanu.
26
Zvino mambo weIsiraeri wakati achipfuura napamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari, akati, “Ndibatsireiwo ishe wangu mambo!”
27
Iye akati, “Kana Jehovha asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko? Nezvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini kanhi?”
28
Mambo akati kwaari, “Chiiko chinokunetsa?” Akapindura, akati, “Mukadzi uyu wakati kwandiri, ‘Uya nomwanakomana wako, timudye nhasi, mangwana tigodya mwanakomana wangu.’
29
Naizvozvo takabika mwanakomana wangu, tikamudya; fume mangwana ndikati kwaari, ‘Uya nomwanakomana wako, timudye, iye ndokuvanza mwanakomana wake.’ ”
30
Ipapo mambo wakati achinzwa mashoko omukadzi, akabvarura nguo dzake; (zvino wakanga achifamba naparusvingo;) vanhu vakatarira, vakaona kuti wakafuka magumbu mukati pamuviri wake.
31
Ipapo akati, “Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamusoro pake nhasi.”
32
Asi Erisha wakanga agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, “Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mumutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?”
33
Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, “Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?”
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25