bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Kings 19
2 Kings 19
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 20 →
1
Zvino mambo Hezekia wakati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehovha.
2
Akatuma Eriakimu waitarira imba, naShebhana munyori, navakuru vavapristi, vakafuka magumbu, kunomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi.
3
Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia, ‘Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakune simba rokuzvara naro.
4
Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.’ ”
5
Ipapo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya.
6
Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu, muti, ‘Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria.
7
Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, uchanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.’ ”
8
Naizvozvo mukuru wavatariri wakadzoka, akawana mambo weAsiria achirwa neRibhina, nokuti wakanga anzwa kuti wabva paRakishi.
9
Zvino wakati achinzwa pamusoro paTirihaka mambo weItiopia, zvichinzi, “Tarirai, wouya kuzorwa nemi, akatumazve nhume kuna Hezekia, achiti,
10
‘Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha,’ muti, ‘Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera,’ achiti, ‘Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.’
11
“Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here?
12
Ko vamwari vedzimwe ndudzi vakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadzibaba angu, vanaGozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari?
13
Mambo weHamati uripiko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefarivhaimi, neHena, neIvha?”
14
Hezekia akagamuchira n’gwadhi pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha.
15
Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, “Haiwa! Jehovha weIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi.
16
Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muwone; inzwai mashoko aSanheribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu.
17
Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo,
18
akakandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo vakavaparadza.
19
Zvino, Jehovha Mwari wedu, chitiponesai henyu paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha Mwari, imi moga.”
20
Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSanheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.’
21
“Heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZioni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake.
22
Ndianiko waakatuka nokumhura? Wakazvikudza kuna aniko nezwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene weIsiraeri!
23
Wakatuka Jehovha nenhume dzako, ukati, ‘Ndakakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisipiresi yakatsaurwa iripo, ndichapinda kusvikira paimba yake yomukati, kudondo rake rinobereka zvakanaka.
24
Ndakateka ndikanwa mvura yedzimwe nyika, ndichapisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika kwetsoka dzangu.
25
Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.’
26
“Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa hwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura.
27
Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.
28
“Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo.
29
Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri, nhaka muchadya zvinogomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudyara, nokucheka, nokusima minda yemidzambiringa, mudye michero yayo.
30
“Zvino vakasara, vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.
31
“Nokuti vakasara vachabuda paJerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZioni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
32
“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, ‘Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhoo, kana kututira gomo revhu pariri.’
33
Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira yaakauya nayo, uchadzokazve nayo; haangapindi muguta rino.
34
Nokuti ndichadzivira guta rino, ndirirwire nokuda kwangu, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”
35
Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose.
36
Naizvozvo Sanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe.
37
Zvino wakati achinamata mumba maNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25