bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
2 Kings 20
2 Kings 20
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 21 →
1
Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ”
2
Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,
3
“Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.
4
Zvino Isaya wakanga achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,
5
“Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.’
6
“Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.”
7
Ipapo Isaya akati, “Uyai nebundu ramawonde.” Ivo vakauya naro, vakariisa pamota, akapora.
8
Zvino Hezekia akati kuna Isaya, “Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?”
9
Isaya akati, “Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?”
10
Hezekia akapindura, akati, “Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi.”
11
Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachikiratidzo chenguva chaAhazi.
12
Zvino nenguva iyo Bherodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma nwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekia wairwara.
13
Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
14
Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, “Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?” Hezekia akati, “Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.”
15
Akati, “Vakawonei mumba mako?” Hezekia akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.”
16
Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha.
17
‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18
Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.’ ”
19
Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro.” Akatiwo, “Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?”
20
Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?
21
Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25