bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Joshua 10
Joshua 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
1
Zvino Adhoni‐zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibheoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo;
2
vakatya kwazvo, nokuti Gibheoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nokuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba.
3
Naizvozvo Adhoni‐zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati,
4
“Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibheoni, nokuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri.”
5
Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibheoni, vakarwa naro.
6
Ipapo varume veGibheoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, “Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu.”
7
Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare.
8
Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.”
9
Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari.
10
Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibheoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti‐horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha.
11
Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti‐horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri.
12
Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana vaIsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni.”
13
Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose.
14
Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera izwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri.
15
Joshua akadzokera navaIsiraeri vose kumisasa paGirigari.
16
Madzimambo awo mashanu akatiza, vakandovanda mubako paMakedha.
17
Joshua akaudzwa, zvichinzi, “Madzimambo iwayo mashanu akawanikwa, akavanda mubako paMakedha.”
18
Zvino Joshua akati, “Kungurusai mabwe makuru pamuromo webako, nokuisa varume ipapo kuvarinda.
19
Asi imi musamira henyu; teverai vavengi venyu, mundovauraya veshurevavo; musavatendera kupinda mumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu wakavaisa mumaoko enyu.”
20
Zvino Joshua navana vaIsiraeri vakati vapedza kuvauraya nokuuraya kukuru, kusvikira vaparadzwa, navakanga vasara kwavari vapinda mumaguta akavakirwa masvingo;
21
vanhu vose vakadzokera kumisasa kuna Joshua paMakedha norugare; hakuna munhu wakasimudzira mumwe wavana vaIsiraeri rurimi rwake.
22
Zvino Joshua akati, “Zarurai muromo webako, mubudise madzimambo mashanu iwayo mubako muuye nawo kwandiri.”
23
Ivo vakaita saizvozvo, vakabudisa madzimambo iwayo mashanu mubako vakauya navo kwaari, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi.
24
Zvino vakati vabudisa madzimambo iwayo vakauya navo kuna Joshua, Joshua akadana varume vose vaIsiraeri, akati kuvakuru nehondo vakanga vanaye, “Swederai, muise tsoka dzenyu pamitsipa yavo.”
25
Zvino Joshua akati kwavari, “Musatya, kana kuvhunduswa; simbai mutsunge mwoyo, nokuti Jehovha uchaita saizvozvo navavengi venyu vose, vamunorwa navo.”
26
Pashure Joshua akavabaya, akavauraya, ndokuvasungirira pamiti kusvikira madekwana.
27
Nenguva yokuvira kwezuva Joshua akaraira vanhu, vakavaturura pamiti, vakavakandira mubako mavakanga vakavanda, vakaisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvikira zuva rino ranhasi.
28
Joshua akakunda Makedha nomusi iwoyo, akariparadza neminondo inopinza, namambo waro; akavaparadza chose navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; akaitira mambo weMakedha sezvaakaitira mambo weJeriko.
29
Zvino Joshua akabva Makedha, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Ribhina vakarwa neRibhina;
30
Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko aIsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko.
31
Zvino Joshua akabva Ribhina, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Rakishi, vakavaka misasa yavo pedyo naro, vakarwa naro;
32
Jehovha akaisa Rakishi mumaoko avaIsiraeri, akarikunda nezuva repiri, akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Ribhina.
33
Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiyira kunyange nomunhu mumwe.
34
Zvino Joshua akabva Rakishi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Egironi; vakavaka misasa yavo pedyo naro, vakarwa naro;
35
vakarikunda nomusi iwoyo, vakariparadza neminondo inopinza; vakaparadza chose nomusi iwoyo vanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Rakishi.
36
Zvino Joshua akabva Egironi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Hebhuroni, vakarwa naro;
37
vakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, namambo waro, namaguta aro ose, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe, sezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose navanhu vose vakanga varimo.
38
Zvino Joshua akadzokera Dhebhiri, navaIsiraeri vose vaakanga anavo; vakarwa naro;
39
akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro.
40
Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri.
41
Joshua akavaparadza kubva Kadheshi‐bharinea kusvikira Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikira Gibheoni.
42
Madzimambo iwayo ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua nenguva imwe, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wakarwira Isiraeri.
43
Ipapo Joshua akadzokera kumisasa paGirigari, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24