bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Joshua 13
Joshua 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Zvino Joshua wakanga akwegura, ava namakore mazhinji; Jehovha akati kwaari, “Wakwegura, wava namakore mazhinji, dzichiriko nyika zhinji dzinofanira kuva dzenyu.
2
Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzavaFirisitia, navaGeshuri vose;
3
kubva paShihori kurutivi rweIjipiti, kusvikira kumuganhu weEkironi kumusoro, wainzi ndowavaKenani; madzishe mashanu avaFirisitia, vaiti: WeGaza, noweAshidhodhi, noweAshikeroni, noweGiti, noweEkironi, navaAvhimi,
4
kurutivi rweZasi, nyika yose yavaKenani, neMeara, waiva wavaZidhoni, kusvikira paAfeki, kusvikira kumuganhu wavaAmori;
5
nenyika yavaGebhari, neRebhanoni rose kumabvazuva, kubva paBhaari‐gadhi panjinga pegomo reHemoni, kusvikira pavanopinda paHamati;
6
vanhu vose vagere panyika yamakomo, kubva paRebhanoni kusvikira paMisirefotimaimi, navaZidhoni vose, ivavo ndichavadzinga pamberi pavana vaIsiraeri; asi iwe unofanira kuipa vana vaIsiraeri, ive nhaka yavo, sezvandakakuraira.
7
Zvino unofanira kugovera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamwe nehafu yorudzi rwaManase, ive nhaka yavo.”
8
VaRubheni navaGadhi vakapiwa nhaka yavo pamwechete naye, iyo yavakanga vapiwa naMosesi mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, sezvavakapiwa naMosesi, muranda waJehovha;
9
kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose reMedhebha kusvikira paDhibhoni;
10
namaguta ose aSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, kusvikira kumuganhu wavana vaAmoni;
11
neGireadhi, nenyika yavaGeshuri navaMaakati, negomo rose reHemoni, neBhashani rose kusvikira paSareka,
12
noushe hwose hwaOgi paBhashani, wakanga achibata ushe paAshitaroti neEdhirei (ndiye wakanga asara pavaRefaimu); nokuti ndivo vakanga vakundwa naMosesi vakadzingwa naye.
13
Kunyange zvakadaro vana vaIsiraeri havana kudzinga vaGeshuri kana vaMaakati; asi vaGeshuri navaMaakati vagere pakati pavaIsiraeri kusvikira nhasi.
14
Asi rudzi rwavaRevhi bedzi haana kurupa nhaka; zvipiriso zvaJehovha, Mwari waIsiraeri, zvaipiswa, ndizvo zvaiva nhaka yavo, sezvaakataura naye.
15
Joshua akapa rudzi rwavana vaRubheni mugove wavo nedzimba dzavo.
16
Nyika yavo yakabva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nebani rose paMedhebha;
17
Heshibhoni namaguta aro ose ari pabani; Dhibhoni, neBhamoti‐bhaari, neBheti‐bhaari‐meoni;
18
neJahazi, neKedhemoti, neMefahati;
19
neKiriataimi, neSibhima, neZereti‐shahari mugomo romupata;
20
neBheti‐peori, nemitenusirwa yePisiga, neBheti‐jeshimoti;
21
namaguta ose ebani, noushe hwose hwaSihoni, mambo wavaAmori, wakanga achibata ushe paHeshibhoni, wakanga akundwa naMosesi pamwechete navakuru veMidhiani, neEvhi, neRekemi, neZuri, neHuri, neRebha, namachinda aSihoni, akanga agere munyika iyo.
22
Bharamu, mwanakomana waBheori, muvuki, naiyewo wakaurawa nomunondo navana vaIsiraeri pakati pavamwe vakaurawa navo.
23
Muganhu wavana vaRubheni rwakanga ruri Jorodhani nenyika yarwo. Ndiyo yaiva nhaka yavana vaRubheni nemhuri dzavo, iwo maguta nemisha yawo.
24
Mosesi akapa rudzi rwavaGadhi, ivo vana vaGadhi, mugove wavo nemhuri dzavo.
25
Nyika yavo raiva Jazeri, namaguta ose eGireadhi, nehafu yenyika yavana vaAmoni, kusvikira paAroeri, pamberi peRabha;
26
nokubva paHeshibhoni, kusvikira paRamati‐mizipe, neBhetonimu; nokubva paMahanaimu, kusvikira pamuganhu weDhebhiri;
27
nomumupata Bheti‐harami, neBheti‐nemura, neSukoti, neZafoni, noumwe ushe hwakanga hwasara hwaSihoni, mambo weHeshibhoni, neJorodhani nenyika yarwo, kusvikira pamagumisiro egungwa reKineroti, mhiri kwaJorodhani, kumabvazuva.
28
Ndiyo nhaka yavana vaGadhi nemhuri dzavo iwo maguta nemisha yawo.
29
Mosesi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yavo; ndiyo yaiva nhaka yehafu yorudzi rwavana vaManase nemhuri dzavo.
30
Nyika yavo yakabva paMahanaimu, neBhashani rose, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nemisha yose yeJairi, yaiva paBhashani, maguta makumi matanhatu;
31
nehafu yeGireadhi, neAshitaroti, neEdhirei, maguta oushe hwaOgi paBhashani, ndiyo yaiva yavana vaMakiri, mwanakomana waManase, yehafu yavana vaMakiri nemhuri dzavo.
32
Ndidzo nhaka dzakagoverwa naMosesi pamapani aMoabhu, mhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva.
33
Asi rudzi rwavaRevhi haruna kupiwa nhaka naMosesi; Jehovha Mwari waIsiraeri, iye amene, ndiyo nhaka yavo, sezvavakaudzwa naye.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24