bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Joshua 23
Joshua 23
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, Jehovha azorodza vaIsiraeri pavavengi vavo vose vakanga vakavapoteredza, naJoshua akwegura, ava namakore mazhinji,
2
Joshua akadana vaIsiraeri vose, vakuru vavo navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo, akati kwavari, “Ndakwegura, ndava namakore mazhinji.
3
Imi makaona zvose zvakaitirwa ndudzi idzi dzose naJehovha Mwari wenyu nokuda kwenyu; nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye wakakurwirai.
4
Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva.
5
Jehovha Mwari wenyu amene uchadzibudisa pamberi penyu, nokudzidzinga murege kudziona, kuti mupiwe nyika yadzo, sezvamakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.
6
Naizvozvo simbai kwazvo kuti muchengete nokuita zvose zvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi, murege kutsauka kwazviri kana kurudyi kana kuruboshwe;
7
kuti murege kuvhengana nendudzi idzo dzakasara pakati penyu, kana kureva mazita avamwari vavo, kana kupikisa navo, kana kuvashumira, kana kuvapfugamira;
8
asi namatirai Jehovha Mwari wenyu, sezvamakaita kusvikira nhasi.
9
Nokuti Jehovha wakadzinga pamberi penyu ndudzi huru dzaiva nesimba; asi kana murimi, hakuna munhu wakamira pamberi penyu kusvikira nhasi.
10
Munhu mumwe kwamuri uchadzinga vanhu vane chiuru chezana, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai, sezvakakuudzai.
11
Naizvozvo chenjerai kuti mude Jehovha Mwari wenyu.
12
Nokuti kana mukatongodzokera, mukanamatira vakasara vendudzi idzi, idzo dzakasara pakati penyu, mukawanana navo, mukapinda kwavari, naivo vakapinda kwamuri;
13
muzive zvirokwazvo, kuti Jehovha Mwari wenyu haangadzingi ndudzi idzi pamberi penyu; asi vachava musungo neriva kwamuri, netyava kunhivi dzenyu, neminzwa pameso enyu, kusvikira mapera panyika iyo yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
14
“Tarirai, nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.
15
Zvino sezvamakaitirwa izvo zvinhu zvose zvakanaka, zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, saizvozvo Jehovha uchakuitirai zvose zvakaipa, kusvikira akuparadzai panyika yakanaka, yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.
16
Kana mukadarika sungano yaJehovha Mwari wenyu, yaakakurairai, mukandoshumira vamwe vamwari, mukapfugama pamberi pavo, ipapo kutsamwa kwaJehovha kuchakumukirai, mukakurumidza kupera, nokubviswa panyika iyo yakanaka, yamakapiwa naye.”
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24