bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Joshua 8
Joshua 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Zvino Jehovha wakati kuna Joshua, “Usatya, kana kuvhunduswa; tora vanhu vose vehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira ndaisa muruoko rwako mambo weAi navanhu vake, neguta rake, nenyika yake.
2
Unofanira kuitira Ai sezvawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa zvingatapwa zvaro, nemombe dzaro, zvive zvenyu; uzvigadzirire vangavandira guta necheseri kwaro.”
3
Naizvozvo Joshua akasimuka, navarume vose vehondo, kuti vakwire Ai; Joshua akatsaura varume vane zviuru zvina makumi matatu, varume vane simba noumhare, akavatuma usiku.
4
Akavaraira, akati, “Tarirai, munofanira kundovandira guta necheseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makazvigadzira mose;
5
zvino ini navanhu vose vandinavo, tichaswedera kuguta; zvino kana vachibuda kuzorwa nesu, sapakutanga, isu tichatiza pamberi pavo;
6
ipapo vachabuda, vachititevera, kusvikira tavanyengera kure neguta; nokuti vachati, ‘Vanotiza pamberi pedu sapakutanga;’ nesu tichatiza pamberi pavo;
7
ipapo imi munofanira kusimuka pamakanga makavandira, mundokunda guta, nokuti Jehovha Mwari wenyu uchariisa mumaoko enyu.
8
Zvino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomoto; munofanira kuita sezvakarehwa naJehovha; tarirai, ndakurairai.”
9
Zvino Joshua akavatuma, vakaenda kundovanda, vakagara pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweAi; asi Joshua wakavata pakati pavanhu usiku uhwo.
10
Zvino Joshua akamuka mangwanani, akaunganidza vanhu, akakwira iye navakuru vaIsiraeri, vakatungamirira vanhu kuenda Ai.
11
Navarume vose vehondo vaakanga anavo, vakakwira, vakaswedera pamberi peguta, vakadzika matende avo kurutivi rwokumusoro rweAi. Zvino kwakanga kuno mupata pakati pake neAi.
12
Akatsaura varume vanenge zviuru zvishanu, akavaraira kuvanda pakati peBheteri neAi, kurutivi rwamavirazuva rweguta.
13
Naizvozvo vakaraira vanhu, iyo hondo yose yaiva kurutivi rwokumusoro rweguta, navaivanda kurutivi rwamavirazuva rweguta; asi Joshua wakaenda usiku uhwo pakati pomupata.
14
Zvino mambo weAi wakati aona izvozvo, vakakurumidza kumuka mangwanani, varume veguta vakabuda kundorwa naIsiraeri, iye navanhu vake vose, panzvimbo yakanga yatarwa, paMupata; asi haana kuziva kuti kwakanga kuna vavandiri necheseri kweguta.
15
Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakaita savakundwa navo, vakatiza nenzira yerenje.
16
Ipapo vanhu vose vakanga vari muguta vakakokwa kundovatevera; vakatevera Joshua, vakanyengerwa kure neguta.
17
Kwakanga kusina munhu wakasara paAi neBheteri, asina kubuda kundotevera Isiraeri; vakasiya guta rakashama, vakatevera Isiraeri.
18
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Tambanudzira pfumo riri muruoko rwako kurutivi rweAi, nokuti ndichariisa muruoko rwako.” Joshua akatambanudzira pfumo rakanga riri muruoko rwake kurutivi rweguta;
19
ipapo vavandiri vakakurumidza kusimuka pavakanga vagere, vakamhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruoko rwake, vakapinda muguta, vakarikunda; vakakurumidza kupisa guta.
20
Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi hweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera.
21
Zvino Joshua navaIsiraeri vose vakati vaona kuti vavandiri vakunda guta, uye kuti utsi hweguta hwokwira kudenga, vakadzokazve kuzouraya varume veAi.
22
Navamwe vakabuda muguta kuzorwa navo; naizvozvo vakanga vari pakati pavaIsiraeri, vamwe nechouno vamwe nechokoko; vakavauraya, kusvikira vasina kurega mumwe wavo ari mupenyu, kana wakatiza.
23
Vakabata mambo weAi, achiri mupenyu, vakamuisa kuna Joshua.
24
Zvino vaIsiraeri vakati vapedza kuuraya nomunondo unopinza vanhu vose veAi kusango, kurenje kwavakanga vavateverera, kusvikira vapera, vaIsiraeri vakadzokera Ai, vakariparadza nomunondo unopinza.
25
Vose vakaurawa nomusi iwoyo, varume navakadzi, vakanga vane zviuru zvine gumi nezviviri, ivo varume vose veAi,
26
nokuti Joshua haana kudzosa ruoko rwake, rwaakanga akatambanudza pfumo, kusvikira aparadza chose vanhu veAi.
27
Asi mombe nezvingatapwa zveguta iro vaIsiraeri vakazvitapa kuti zvive zvavo, zvakarehwa neshoko raJehovha, raakaraira Joshua.
28
Naizvozvo Joshua akapisa Ai, akariita murwi ungavapo nokusingaperi, nedongo kusvikira nhasi.
29
Akasungirira mambo weAi pamuti kusvikira madekwana; asi pakuvira kwezuva Joshua akavaraira, vakaturura chitunha chake pamuti, vakachikanda panopindwa napo pasuo reguta, vakatutira pamusoro pacho murwi mukuru wamabwe; aripo kusvikira nhasi.
30
Zvino Joshua wakavakira Jehovha Mwari waIsiraeri atari pagomo reEbhari,
31
sezvakanga zvarairwa vana vaIsiraeri naMosesi, muranda waJehovha, sezvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi; yakanga iri atari yamabwe asina kuvezwa; hakuna munhu wakanga asimudzira dare pamusoro pawo; vakabayirapo Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokubayirawo zvipiriso zvokuyananisa.
32
Akanyorazve ipapo pamabwe murayiro waMosesi, waakanyora pamberi pavaIsiraeri.
33
VaIsiraeri vose navakuru vavo navatariri vavo, navatongi vavo vakamira paareka nechouno necheseri, pamberi pavapristi vaRevhi, vaisitakura areka yesungano yaJehovha, pamwechete navatorwa navakanga vaberekerwa munyika; hafu yavo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yavo pamberi pegomo reEbhari; sezvakanga zvarairwa naMosesi, muranda waJehovha, kuti vatange kuropafadza vana vaIsiraeri.
34
Pashure akarava mashoko ose omurayiro, okuropafadza nookutuka, sezvazvakanyorwa zvose mubhuku yomurayiro.
35
Kwakanga kusine shoko rimwe, pazvose zvakanga zvarairwa naMosesi, risina kurahwa naJoshua pamberi peungano yose yavaIsiraeri, navakadzi navana, navatorwa vakanga vagere pakati pavo.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24