bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Joshua 5
Joshua 5
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
1
“Zvino madzimambo ose avaAmori, akanga agere mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, namadzimambo ose avaKenani, akanga agere pagungwa, akati achinzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi pavana vaIsiraeri, kusvikira tayambuka, mwoyo yavo ikavhunduka, vakasazova nomweya mukati mavo, nokuda kwavana vaIsiraeri.”
2
Nenguva iyo Jehovha akati kuna Joshua, “Uzviitire mapanga amabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsiraeri.”
3
Joshua akazviitira mapanga amabwe anopinza, akadzingisa vana vaIsiraeri pachikomo chezvikanda zvapamberi.
4
Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nokuti vanhurume vose vakanga vabuda Ijipiti, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Ijipiti.
5
Nokuti vanhu vose vakabuda Ijipiti vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Ijipiti, vakanga vasina kudzingiswa.
6
Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera izwi raJehovha; Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.
7
Zvino vana vavo vaakanga amutsa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshua; nokuti vakanga vasina kudzingiswa, zvavakanga vasina kudzingiswa panzira.
8
Zvino vakati vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora.
9
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwamakazvidzwa nako navaIjipiti.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Girigari, kusvikira nhasi.
10
Vana vaIsiraeri vakavaka misasa yavo paGirigari, vakadya Pasika pazuva regumi namana romwedzi madekwana, pamapani eJeriko.
11
Nomusi uyo, uri musi wakatevera Pasika, vakadya zvibereko zvenyika iyo, zvingwa zvisina kuviriswa pamwechete nehura dzakakangwa nomusi iwoyo.
12
Mana ikaguma nomusi wakatevera uyo wakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore irero.
13
Zvino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaona murume amire pakatarisana naye, akabata munondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; Joshua akenda kwaari, akati kwaari, “Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?”
14
Iye akati, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, “Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?”
15
Mukuru wehondo yaJehovha akati kuna Joshua, “Bvisa shangu yako parutsoka rwako, nokuti paumire patsvene;” Joshua akaita saizvozvo.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24