bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Joshua 17
Joshua 17
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nokuti iye wakanga ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGireadhi, iye wakapiwa Gireadhi neBhashani, nokuti wakanga ari murwi.
2
Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo.
3
Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGireadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.
4
Ivo vakaswedera kumupristi Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, “Jehovha wakaraira Mosesi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu;” naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanunguna vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.
5
Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGireadhi neBhashani mhiri kwaJorodhani;
6
nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGireadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
7
Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni‐tapua.
8
Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu.
9
Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi kworukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworukova, ndokuguma pagungwa.
10
Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.
11
Pakati paIsakari naAsheri Manase wakanga ane Bheti‐sheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhori nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Endori nemisha yaro, navakanga vagere Taanaki nemisha yaro, navakanga vagere Megidho nemisha yaro, ari makomo matatu.
12
Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
13
Zvino vana vaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita vaKenani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.
14
Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, “Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nokuti Jehovha wakatiropafadza kusvikira zvino?”
15
Joshua akati kwavari, “Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.”
16
Vana vaJosefa vakati, “Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye vaKenani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBheti‐sheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri.”
17
Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, “Imi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwe chete;
18
asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzamatare, uye kunyange vane simba.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24