bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Exodus 13
Exodus 13
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 14 →
1
Jehovha akati kuna Mozisi,
2
“Nditsaurire matangwe echirume ose. Chibereko chokutanga chechizvaro pakati pavaIsraeri ndechangu, chingava chomunhu kana chechipfuwo.”
3
Ipapo Mozisi akati kuvanhu, “Rangarirai zuva iri, iro zuva ramakabuda muIjipiti, munyika youtapwa, nokuti Jehovha akakubudisai mairi noruoko rune simba. Musadya chinhu chine mbiriso.
4
Nhasi, mumwedzi waAbhibhi muri kubuda.
5
Pamunosvitswa naJehovha munyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, navaJebhusi, iyo nyika yaakapikira madzibaba enyu kuti vazokupai iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, munofanira kucherechedza chirevo ichi mumwedzi uno.
6
Kwamazuva manomwe munofanira kuitira Jehovha mutambo.
7
Mudye chingwa chisina mbiriso pamazuva manomwe iwayo; chinhu chine mbiriso hachifaniri kuonekwa pakati penyu, uye mbiriso zvayo haifaniri kuonekwa panzvimbo ipi zvayo pakati pemiganhu yenyu.
8
Pazuva iroro uudze mwanakomana wako kuti, ‘Ndinoita izvi nokuda kwezvandakaitirwa naJehovha pandakabuda muIjipiti.’
9
Mucherechedzo uyu uchava kwauri sechiratidzo paruoko rwako uye sechirangaridzo pahuma yako chokuti murayiro waJehovha unofanira kuva pamiromo yako. Nokuti Jehovha akakubudisa muIjipiti noruoko rwake rune simba.
10
Unofanira kuchengeta mutemo uyu panguva dzakatarwa gore negore.
11
“Shure kwokunge Jehovha akusvitsa munyika yavaKenani uye aipa kwauri, sezvaakavimbisa nemhiko kwauri nokumadzitateguru ako,
12
unofanira kupa kuna Jehovha chibereko chokutanga chezvizvaro zvose. Zvikono zvezvipfuwo zvako zvose zvinotanga kuzarura chibereko ndezvaJehovha.
13
Udzikinure negwayana mwana wose wokutanga wembongoro, asi kana usingaudzikinuri, uvhune mutsipa wawo. Udzikinure matangwe ose pakati pavanakomana vako.
14
“Mumazuva anouya, paunenge uchibvunzwa nomwanakomana wako kuti, ‘Zvinoreveiko izvi?’ uti kwaari, ‘Noruoko rune simba Jehovha akatibudisa muIjipiti, munyika youtapwa.
15
Faro paakasindimara achiramba kuti tiende, Jehovha akauraya matangwe ose omuIjipiti, zvose vanhu nezvipfuwo. Ndokusaka ndichibayira kuna Jehovha mukono wokutanga wechibereko chechizvaro chose uye ndichidzikinura dangwe rimwe nerimwe ravanakomana vangu.’
16
Uye chichava chiratidzo paruoko rwako uye rundanyara pahuma yako kuti Jehovha akatibudisa kubva muIjipiti noruoko rune simba.”
17
Faro akati atendera vanhu kuti vaende, Mwari haana kuvatungamirira nomumugwagwa waipinda nomunyika yavaFiristia, kunyange zvayo yakanga iri pfupi. Nokuti Mwari akati, “Kana vakasangana nehondo, vangashandura pfungwa dzavo vakadzokera kuIjipiti.”
18
Saka Mwari akatungamirira vanhu achipoterera nomumugwagwa womurenje vakananga kuGungwa Dzvuku. VaIsraeri vakabuda kubva muIjipiti vakapakata nhumbi dzehondo.
19
Mozisi akatora mapfupa aJosefa nokuti Josefa akanga aita kuti vanakomana vaIsraeri vapike mhiko. Akanga ati, “Zvirokwazvo Mwari achakubatsirai, uye ipapo munofanira kutakura mapfupa angu kubva panzvimbo ino.”
20
Vakati vabva paSukoti vakadzika musasa paEtami pamucheto werenje.
21
Masikati Jehovha aivatungamirira neshongwe yegore kuti avatungamirire munzira yavo uye usiku aivatungamirira neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe, kuti vafambe masikati kana usiku.
22
Shongwe yegore masikati kana shongwe yemoto usiku hazvina kubva panzvimbo yazvo pamberi pavanhu.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40