bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Exodus 21
Exodus 21
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 22 →
1
“Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo:
2
“Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa.
3
Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake.
4
Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake.
5
“Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu uye mukadzi wangu navana uye handisi kuda kusunungurwa,’
6
ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomubvoora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose.
7
“Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume.
8
Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye.
9
Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana.
10
Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvowokutanga, nguo kana kodzero dzokuwanikwa.
11
Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa.
12
“Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.
13
Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura.
14
Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye.
15
“Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
16
“Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.
17
“Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
18
“Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo,
19
munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafambafamba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose.
20
“Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa,
21
asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.
22
“Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva.
23
Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,
24
ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,
25
kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.
26
“Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.
27
Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.
28
“Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namambwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa.
29
Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.
30
Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa.
31
Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana.
32
Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatua kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe.
33
“Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifusira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri,
34
muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake.
35
“Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho uye vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo.
36
Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40