bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Exodus 26
Exodus 26
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 27 →
1
“Uite tabhenakeri namachira gumi omucheka wakarukwa wakaisvonaka, nowebhuruu, pepuru nomutsvuku, namakerubhi akasonerwa mairi nemhizha dzamabasa amaoko.
2
Machira ose anofanira kuva akaenzana, akareba makubhiti makumi maviri namaserea uye makubiti manab paupamhi.
3
Ubatanidze machira mashanu pamwe chete, ugoita zvimwe chetezvo namamwe mashanu.
4
Uite zvishwe zvomucheka webhuruu kurutivi rwokumucheto wejira zvakabatanidzwa pamwe chete, uye ugoita zvimwe chete nejira rokumucheto mune zvimwe zvakabatanidzwa.
5
Uite zvishwe makumi mashanu pajira rimwe chete uye makumi mashanu ezvishwe pamucheto wejira rezvimwe zvakabatanidzwa, zvishwe zvitarisane chimwe nechimwe.
6
Ipapo ugoita zvikoreko zvegoridhe makumi mashanu uye uzvishandise kubatanidza machira pamwe chete kuitira kuti tabhenakeri ive chinhu chimwe.
7
“Uite machira amakushe embudzi etende riri pamusoro petabhenakeri, ose ave gumi nerimwe pamwe chete.
8
Machira ose ari gumi nerimwe anofanira kuenzana, makubhiti makumi matatuc pakureba uye makubhiti manad paupamhi.
9
Ubatanidze machira mashanu pamwe chete aite chinhu chimwe chete uye mamwe matanhatu avewo chinhu chimwe chete. Upete jira rechitanhatu kaviri pamberi petende.
10
Uite zvishwe makumi mashanu pamupendero wejira rokumucheto zvakabatanidzwa uyewo pamupendero wejira rokumucheto kwamamwe akabatanidzwa.
11
Ipapo ugoita zvikorekedzo zvendarira makumi mashanu ugozviisa muzvishwe kuti zvibatanidze tende pamwe chete chigova chinhu chimwe chete.
12
Kana zviri zvokuwedzera urefu hwamachira etende, hafu yejira inenge yasara inofanira kurembera necheshure kwetabhenakeri.
13
Machira etende anofanira kurebesa nekubhiti rimwe chetee pamativi ose ari maviri; anenge asara anofanira kurembera pamativi etabhenakeri kuti agoifukidza.
14
Uite chifukidzo chetende chamatehwe amakondohwe akapendwa nezvitsvuku, uye pamusoro paizvozvo chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa.
15
“Uitire tabhenakeri mapuranga akati twi amatanda omuakasia.
16
Puranga rimwe nerimwe rinofanira kureba makubhiti gumif uye kubhiti nehafug paupamhi,
17
nembamba mbiri dzakamiswa dzakatarisana. Uite mapuranga ose etabhenakeri nenzira iyoyi.
18
Uite mapuranga makumi maviri okurutivi rwezasi rwetabhenakeri
19
uye uite zvigadzika zvesirivha makumi mana kuti zvive pasi pawo, zvigadziko zviviri papuranga rimwe nerimwe, chimwe chete pasi pembambo imwe neimwe.
20
Kuno rumwe rutivi, rwokumusoro kwetabhenakeri, uite mapuranga makumi maviri,
21
uye zvigadziko zvesirivha makumi mana. Zviviri zviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
22
Uite mapuranga matanhatu kurutivi rwokumucheto cheto, ndiko kumavirira etabhenakeri,
23
uye uite mapuranga maviri amakona okumucheto cheto.
24
Pamakona maviri aya, anofanira kuva maviri maviri kubva pasi kusvikira kumusoro, uye agadzikwe mumhete imwe chete; ose ari maviri ngaava saizvozvo.
25
Saka pachava namapuranga masere uye zvigadziko zvesirivha gumi nezvitanhatu, zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe.
26
“Uyewo uite mbariro dzamatanda omuakasia: shanu dzamapuranga okuno rumwe rutivi rwetabhenakeri,
27
shanu dzaaya ari pano rumwe rutivi, uye shanu dzamapuranga okumavirira, kumucheto cheto kwetabhenakeri.
28
Mbariro yapakati inofanira kutandavara kubva kumucheto kusvikira kuno mumwe mucheto napakati pamapuranga.
29
Ufukidze mapuranga negoridhe uye ugoita mhete dzegoridhe kuti dzigobata mbariro. Uyewo ufukidze mbariro negoridhe.
30
“Umise tabhenakeri maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.
31
“Uite jira rebhuruu, nerepepuru nedzvuku nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, namakerubhi akasonerwapo nemhizha yokusona.
32
Urirembedze nezvikorekedzo zvegoridhe pamatanda mana omuakasia akafukidzwa negoridhe uye amire pamusoro pezvigadziko zvina zvesirivha.
33
Urembedze jira pazvikorekedzo uye ugoisa areka yeChipupuriro shure kwechidzitiro. Chidzitiro ichi chichaparadzanisa NZVIMBO TSVENE neNZVIMBO TSVENE-TSVENE.
34
Uise chifukidziro chokuyananisa pamusoro peareka yeChipupuriro iri muNZVIMBO TSVENE-TSVENE.
35
Uise tafura kunze kwechidzitiro nechokumusoro kwetabhenakeri ugogadzika chigadziko chomwenje chakatarisana nayo nechezasi.
36
“Pamukova wokupinda mutende uite chidzitiro chewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona.
37
Uite zvikorekedzo zvegoridhe zvechidzitiro ichi uye matanda mashanu omuakasia akafukidzwa negoridhe. Uye uaumbire zvigadziko zvishanu zvendarira.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40