bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Exodus 8
Exodus 8
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 9 →
1
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
2
Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya.
3
Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye muzvoto zvako nepokukanyira chingwa.
4
Matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro pamachinda ako ose.’ ”
5
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’ ”
6
Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, uye matatya akauya akafukidza nyika.
7
Asi n'anga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti.
8
Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya aya kwandiri uye nokuvanhu vangu, uye ini ndichatendera vanhu venyu kuti vaende kundobayira zvipiriso kuna Jehovha.”
9
Mozisi akati kuna Faro, “Ndinopa ruremekedzo kwamuri kuti mureve nguva yokuti ndikunyengetererei imi navaranda venyu uye navanhu venyu kuti imi nedzimba dzenyu mubvisirwe matatya, kuti asare muNairi chete.”
10
Faro akati, “Mangwana.” Mozisi akapindura akati, “Zvichaitika sezvamareva, kuitira kuti mugoziva kuti hakuna mumwe akaita saJehovha Mwari wedu.
11
Matatya achabva kwamuri nomudzimba dzenyu, machinda enyu nokuvanhu venyu; achasara muna Nairi chete.”
12
Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro.
13
Uye Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi. Matatya akafa mudzimba, nomuruvazhe uye nomuminda.
14
Akaunganidzwa akaita mirwi uye nyika yakanhuhwa nokuda kwawo.
15
Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
16
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.”
17
Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo uye akarova guruva umhutu hwakauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu.
18
Asi n'anga dzakakonewa, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu.
19
N'anga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
20
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.
21
Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire.
22
“ ‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno.
23
Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’ ”
24
Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi.
25
Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni kati, “Endai mundobayira kuna Mwari wenyu munyika muno.”
26
Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here?
27
Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.”
28
Faro akati, “Ndichakutenderai kuenda kunobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wenyu murenje, asi hamufaniri kuenda kure kure. Zvino chindinyengetererai.”
29
Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.”
30
Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha,
31
uye Jehovha akaita zvaakakumbirwa naMozisi. Nhunzi dzakabva pana Faro nokumachinda ake uye nokuvanhu vake; hakuna nhunzi yakasara.
32
Asi panguva inozve, Faro akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendera vanhu kuti vaende.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40