bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Exodus 17
Exodus 17
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 18 →
1
Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paRenje reSini, vachifamba nzvimbo nenzvimbo sokurayira kwaJehovha. Vakadzika musasa paRefidhimi, asi pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.
2
Saka vanhu vakakavadzana naMozisi uye vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mozisi akapindura akati, “Seiko muchikakavadzana neni? Seiko muchiedza Jehovha?”
3
Asi vanhu vakanga vane nyota yemvura ipapo, uye vakapopotedzana naMozisi. Vakati, “Seiko wakatibudisa muIjipiti kuti isu navana vedu nezvipfuwo zvedu tife nenyota?”
4
Ipapo Mozisi akachema kuna Jehovha akati, “Ndoiteiko navanhu ava? Votoda kunditaka namabwe.”
5
Jehovha akapindura Mozisi akati, “Famba pamberi pavanhu. Tora vamwe vavakuru vavaIsraeri uye ubate muruoko rwako tsvimbo yawakarova nayo mvura yeNairi, ugoenda.
6
Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri.
7
Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?”
8
VaAmareki vakuya vakarwa navaIsraeri paRefidhimu.
9
Mozisi akati kuna Joshua, “Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu.”
10
Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
11
Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda.
12
Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwena.
13
Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.
14
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chingarangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”
15
Mozisi akavaka aritari akaitumidza kuti “Jehovha ndiye Mureza wangu.”
16
Akati, “Nokuti maoko akasimudzirwa kumusoro kuchigaro choushe chaJehovha. Jehovha acharwa neAmareki kubva kumarudzi kusvika kumarudzi.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40