bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Exodus 5
Exodus 5
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 6 →
1
Shure kwaizvozvo Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakati, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondiitira mutambo kurenje.’ ”
2
Faro akati, “Jehovha ndianiko, kuti ndigomuteerera uye ndigorega vaIsraeri vachienda? Handimuzivi Jehovha iyeye uye handidi kurega vaIsraeri vachienda.”
3
Ipapo vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu. Zvino tiregei tifambe rwendo rwamazuva matatu kurenje kuti tinobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wedu, kuti arege kutirova namatambudziko kana nomunondo.”
4
Asi mambo weIjipiti akati, “Mozisi naAroni, munobvisireiko vanhu pabasa ravo? Dzokerai kubasa renyu!”
5
Ipapo Faro akati, “Tarirai, vanhu vawanda zvino munyika, uye muri kuvakonesa kushanda.”
6
Musi mumwe chetewo Faro akarayira vatariri vebasa navakuru vakuru vavanhu achiti,
7
“Imi hamuchazovigiri vanhu uswa hwokuita zvidhina; varegei vandozviunganidzira uswa pachavo.
8
Asi vanofanira kuita zvidhina zvakaenzana pakuwanda nezvavaisimboita kare; musazvitapudza. Isimbe; ndokusaka vachichema vachiti, ‘Tiregei tiende kundobayira kuna Mwari wedu.’
9
Itai kuti basa rinyanye kuomera vanhu kuitira kuti varambe vachishanda uye varege kuteerera kunhema.”
10
Ipapo vatariri vebasa navakuru vakuru vakabuda vakandoti kuvanhu, “Zvanzi naFaro, ‘Handichazokupaizve uswa.
11
Endai mundozvitsvakira uswa kana kupi zvako kwamungahuwana, asi basa renyu haritapudzwi kana napaduku.’ ”
12
Saka vanhu vakapararira muIjipiti yose kundounganidza mashanga kuti vaashandise pachinzvimbo chouswa.
13
Vatariri vebasa vakaramba vachivamanikidza vachiti, “Pedzai basa ramakatarirwa pazuva rimwe nerimwe, sezvamaiita pamaiwana uswa.”
14
Vakuru vakuru vavaIsraeri vakanga vagadzwa navatariri vebasa vaFaro vakarohwa uye vakabvunzwa kuti, “Seiko musina kupedza basa renyu rezvidhina zvanezuro nezvanhasi, sezvamaichiita kare pamaipuwa uswa.”
15
Ipapo vakuru vakuru vavaIsraeri vakaenda nechichemo kuna Faro vakati, “Seiko muchibata varanda venyu nenzira yakadai?
16
Varanda venyu havapiwi uswa, asi tinonzi, ‘Itai zvidhina!’ Varanda venyu vari kurohwa, asi mhosva ndeyavanhu venyu.”
17
Faro akati, “Simbe, ndizvo zvamuri imi, muri simbe! Ndokusaka muchingoramba muchiti, ‘Tiregei tindobayira kuna Jehovha.’
18
Zvino chiendai kubasa. Hamuzombopiwi kana uswa, asi munofanira kuita basa renyu rezvidhina zvakakwana.”
19
Vakuru vakuru vavaIsraeri vakaona kuti vapinda mudambudziko pavakaudzwa kuti, “Hamufaniri kutapudza uwandu hwezvidhina zvamakatarirwa pazuva rimwe.”
20
Pavakabva pana Faro, vakawana Mozisi naAroni vakavamirira,
21
uye vakati, “Jehovha ngaakutarirei uye akutongei! Matiita chinhu chinonhuwa kuna Faro namachinda ake uye maisa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.”
22
Mozisi akadzokera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, mauyisireiko dambudziko pamusoro pavanhu ava? Ndizvo zvamakanditumira here?
23
Kubva pandakaenda kuna Faro kuti ndinotaura muzita renyu, iye akauyisa dambudziko pamusoro pavanhu ava, uye imi hamuna kutongonunura vanhu venyu napaduku.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40