bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Mark 10
Mark 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
1
Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita.
2
Zvino vaFarisei vakazouya kwaari vakamubvunza, kuri kumuedza zvavo vachiti, “Murume anobvumirwa here kuramba mukadzi wake?”
3
Jesu akavapindura achiti, “Ko Mosesi akakutemerai zvipi?”
4
Ivo vakati, “Mosesi akatibvumira kuti murume anyorere mukadzi tsamba yegupuro obva amudzinga.”
5
Asi Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai mutemo wakadai pamusana poukukutu hwemwoyo yenyu.
6
Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi.
7
Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake.
8
Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete.
9
Naizvozvo chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.”
10
Kuzoti vava kumba vadzidzi vakamubvunza zvakare nezvenyaya iyi.
11
Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe, anoita upombwe uye achimutadzira.
12
Mukadziwo akaramba murume wake achitorana nomumwe murume anoita upombwe.”
13
Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza.
14
Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava.
15
Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.”
16
Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari.
17
Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”
18
Jesu akamupindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka kunze kwaMwari oga.
19
Unoziva wani mitemo inoti; usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema, usanyengedze, remekedza baba naamai vako.”
20
Iye akatiwo kwaari, “Mudzidzisi, yose iyi ndakaichengeta kubvira pauduku hwangu.”
21
Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.”
22
Shoko iri rakamusvibisa mwoyo akabvapo woenda akasuruvara nokuti akanga aine upfumi hwakawanda.
23
Jesu akaringa — ringa akati kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti vanoupfumi vapinde muumambo hwaMwari!”
24
Vadzidzi vakashamiswa kwazvo namazwi ake. Asi Jesu akataurazve achiti kwavari, “Vakomana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari.
25
Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
26
Ivo vakashamiswa zvikuru kwazvo vakataurirana vachiti, “Ndiani zvino angagone kuponeswa?”
27
Jesu akavatarisa akati, “Izvi hazvigoneki kuitwa navanhu asi naMwari. Kuna Mwari zvose zvinogoneka.”
28
Pita ndipo pakazoti kwaari, “Tarisai muone isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai.”
29
Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hakuna munhu akasiya musha, kana vakomanavanun'una, kana hanzvadzi, kana amai, kana baba, kana vana, kana minda pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka,
30
asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya.
31
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisirawo vachiva vokutanga.”
32
Zvino vari munzira, vachikwira kuJerusaremu, Jesu aifamba ari mberi kwavo. Zvakavashamisa kwazvo. Vaitevera vakatya. Akazotorazve vane gumi navaviri akatanga kuvaudza zvaizoitika kwaari achiti,
33
“Chinzwai, tava kukwira kuJerusaremu; Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo; vachamutongera rufu; vachimuisawo mumaoko evechirudzi;
34
vachamunyomba; vachimusvipira mate nokumurova zvakanyanya; vozomuuraya. Asi mushure memazuva matatu achamukazve.”
35
Jemusi naJohani vanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu vakati, “Mudzidzisi tinoda kuti mutiitirewo chero chatinenge takukumbirai.”
36
Akati kwavari, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Ivo vakati kwaari,
37
“Tibvumirei kuti, mumbiri yenyu, tizogara takati mumwe kurudyi rwenyu mumwe kuruboshwe rwenyu.”
38
Jesu akavapindura achiti, “Hamuzivi zvamurikukumbira. Munogona here kunwa mukombe wandinonwa ini kana kuombekwa noruombeko rwandinoombekwa narwo ini?”
39
Ivo vakati kwaari, “Tinogona.” Jesu akati kwavari, “Hongu mukombe wandinonwa ini, muchanwa noruombeko rwandinoombekwa narwo muchaombekwawo narwo;
40
asi zvokugara kurudyi rwangu kana kuti kuruboshwe rwangu handisirini ndinozvipa, ndokweavo vakakugadzirirwa.”
41
Zvino vamwe gumi vaya, pavakazvinzwa vakatsamwira vana Jemusi naJohani.
42
Jesu akavadaidza akavati, “Munoziva kuti kune vechirudzi vanonzi vatongi vaya, pakutonga vanoita zvechisimba uye vakuru vakuru vavo vanoita zvomukundo.
43
Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu.
44
Uye ani naani anoda kuve wokutanga pakati penyu anofanira kuve muranda wavose.
45
Nokuti kunyange Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira vamwe, uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
46
Vakazosvika kuJeriko. Kuzoti ava kubuda muJeriko navadzidzi vake negurumwandira ravanhu, Bhatimeusi mwana waTimeo, mupemhi aiva bofu akanga agere parutivi pomugwagwa.
47
Paakanzwa kuti ndiJesu weNazareti, akatanga kudaidzira achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.”
48
Vazhinji vakamutsiura vachiti anyarare, asi iye ndipo paakatonyanya kudaidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.”
49
Jesu akamira akati, “Mudaidzei.” Vakadaidza bofu riya vachiti kwaari, “Tsunga mwoyo; simuka; ari kukudaidza.”
50
Akakanda jasi rake pasi, ndokukwakuka ouya kuna Jesu.
51
Jesu ndokuti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Bofu rakati kwaari, “Mudzidzisi itai kuti ndione.”
52
Jesu akati kwaari, “Chienda zvako, chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona, akatevera Jesu munzira.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16