bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Mark 7
Mark 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
1
Zvino vaFarisei vakaunganira Jesu pamwechete nedzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzabva kuJerusaremu.
2
Vakaona kuti vamwe vavadzidzi vake vaidya chingwa namaoko ane tsvina, zvinoreva kuti, asina kushambwa,
3
nokuti vaFarisei navaJudha vose havadyi chinhu vasina kunyatsoshamba maoko avo vachitevedza magamuchidzanwa etsika dzamadzitateguru avo
4
nokuti kana vachinge vabva kumusika havambodya chinhu vasina kushamba. Dziripo dzimwe tsika zhinji dzavakatora kumadzitateguru avo dzavanochengeta sokuti kusuka komichi, nehari, nemidziyo yekopa (nemibhedha).
5
Ipapo vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakamubvunza vachiti, “Ko vadzidzi venyu vanoregererei kuchengeta tsika dzamagamuchidzwanwa dzamadzitateguru, zvavanodyazve chingwa namaoko ane tsvina?”
6
Akavapindura achiti, “Inga muporofita Isaya akataura chokwadi nezvenyu, imi vanyengedzi, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni.
7
Kundinamata kwavo ndokwonhando nokuti vanodzidzisa sechokwadi chaicho, zvinhu zvakatemwa zvavo navanhu.’
8
“Munokanda pasi murao waMwari kuti muti dzvemere namagamuchidzanwa etsika dzavanhu.”
9
Akatizve kwavari: “Makanyatsozviwanira nzira yokunzvenga nayo murao waMwari kuti muwane machengetero amagamuchidzanwa etsika dzenyu,”
10
nokuti Mosesi akati, “Kudza baba vako naamai vako uye anotuka baba vake kana amai vake anofanira kutofa.”
11
Asi imi munoti, “Kana munhu akati kuna baba kana kuna amai vake, ‘Chinhu chandingadai ndakuyamurai nacho chave Korobhani’ (zvichireva kuti chipo chasumwa kuna Mwari),
12
hamuzomubvumira kuyamura baba vake kana amai vake.
13
Nokudaro munoita kuti shoko raMwari rive chinhu pasina, pamusana pamagamuchidzanwa etsika dzenyu amunogamuchidzana; munoitawo zvimwe zvizhinji zvakafanana nezvizvi.”
14
Akadaidza zvakare chita chavanhu ndokuti kwavari, “Nditeererei munzwe mose munzwisise.
15
Hapana chinhu chinobva kunze kwomunhu chichipinda maari chinogona kumun'oresa asi zvinobva mumunhu ndizvo zvinomun'oresa.
16
(Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.)”
17
Paakanga apinda mumba, abva zvino pavanhu, vadzidzi vake vakamubvunza nezvomuenzaniso uyu.
18
Iye ndokuti kwavari, “Heya kana nemiwo hamunzwisisi nhai? Hamuoni here kuti chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze hachigoni kumun'oresa
19
nokuti hachipindi mumwoyo make, asi mudumbu make chichizobva chorasirwa kunze?” (Nokudaro akachenura zvokudya zvose.)
20
Ipapo akati, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomun'oresa.
21
Nokuti imomo mumwoyo yavanhu, ndimo munobva pfungwa dzakaipa, nounzenza, nokuba, nokuuraya,
22
noupombwe, noruchiva nomwoyo wakaipa, nounyengedzi nokusazvibata, neshanje, nokushonha Mwari nokuzvikudza noupenzi.
23
Zvakaipa zvose izvi zvinobva mukati, uye zvinon'oresa munhu.”
24
Jesu akazobvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni akapinda mune imwe imba asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu, asi haaigona kuvanzika.
25
Asi kutoti pakarepo mumwe mudzimai aiva nomwana wake musikana muduku akanga ano mweya wakaipa, akanzwa nezvake akauya ndokuzviwisira patsoka dzake.
26
Mudzimai uyu aiva muGiriki worudzi rweSirofonikia. Akamukumbira kuti adzinge mweya wakaipa waiva mumwanasikana wake.
27
Iye ndokuti kwaari, “Regai vana vatange vaguta; nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira imbwanana.”
28
Asi iye akamupindura achiti, “Hongu zvazvo Tenzi, inga wani kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya hurubvurubvu hwechingwa chavana.”
29
Iye ndokumuti, “Pamusana pezvawataura izvi chienda zvako; mweya wakaipa watobva mumwanasikana wako.”
30
Mudzimai uya akabva aenda kumba kwake akasvikowana mwana avete pamubhedha mweya wakaipa wabva maari.
31
Zvino Jesu akabva mudunhu reTire akapfuura nomuSidhoni achinanga kugungwa reGarirea; akaenda napakati penyika yeDhekaporisi.
32
Vanhu vakauya kwaari nomunhu akanga ari matsi asingagoni kunyatsotaura. Vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari.
33
Iye akamutora parutivi kubva kuruzhinji rwavanhu voenda pavo voga. Akapinza minwe yake munzeve dzake; akapfira mate ndokubata rurimi rwake.
34
Ipapo akatarisa kudenga ndokutura befu oti kwaari, “Efata,” zvichireva kuti, “Dziuka.”
35
Pakarepo nzeve dzake dzakabva dzadziuka, kadzita korurimi rwake rakabva kasununguka, ndokubva ava kugona kutaura zvakanaka.
36
Akavatsindidza kuti vasataurire izvi kuna ani zvake. Asi sokunyanya kutsindidza kwaakavaita, vakabva vatonyanyawo kuzviparidzira.
37
Vanhu vakashamiswa chaizvo vachiti, “Akaita zvakanaka zvinhu zvose zvaakaita. Anoita kuti kunyange vamatsi vanzwe nembeveve dzitaure.”
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16