bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Mark 15
Mark 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Kuzoti kwangoedza, vapristi vakuru vakagara dare navakuru vakuru vavaJudha nenyanzvi dzoMutemo neDare guru rose. Vakasunga Jesu, ndokuenda naye kundomuturira kuna Pirato.
2
Pirato akamubvunza achiti, “Ndiwe Mambo wavaJudha here?” Iye akapindura achiti, “Inga matozvireva wani.”
3
Vapristi vakuru vakamupomera mhosva zhinji.
4
Pirato akamubvunzazve achiti, “Ko hauna chaunopindura here? Inzwa kuti vanokupomera mhosva dzakawanda sei?”
5
Asi Jesu haanazve chaakapindura kwete, zvokuti Pirato akashamiswa.
6
Nguva dzose, pamazuva makuru aya, Pirato aivasunungurira musungwa mumwechete wavainge vakumbira.
7
Mukati mavapanduki vaiva mujeri, vakanga vauraya munhu muchimurenga, maiva nomumwe murume ainzi Bharabhasi.
8
Kuzoti mhomho yavanhu yakwira kwaPirato, yakatanga kumukumbira kuti avaitire zvaaisimbovaitira.
9
Zvino Pirato akavabvunza achiti, “Ko munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”
10
Nokuti akanga azviona kuti vapristi vakuru vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje.
11
Asi vapristi vakuru vakapesvera vanhu kuti avasunungurire zvavo Bharabhasi.
12
Pirato akapindurazve achiti, “Ko ndoitei nowamunoti mambo wavaJudha?”
13
Vakadaidzirazve vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.”
14
Pirato ndokuti kwavari, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yei?” Vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Muroverei pamuchinjikwa.”
15
Zvino Pirato zvaaida kufadza mhomho yavanhu akavasunungurira Bharabhasi. Asi mushure mokurova Jesu akamuturira kwavari kuti aroverwe pamuchinjikwa.
16
Masoja akaenda naJesu munhandare, mumuzinda womutongi wacho wainzi (Pretoriumu,) vakaunganidza boka rose ramasoja.
17
Vakazomupfekedza hanzu yoruvara rwohute ndokuruka chiremba cheminzwa vakachidzika paari.
18
Vakazotanga kumukwazisa vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!”
19
Vaimurova musoro norutsanga, vachimupfira mate nokumupfugamira vachimukudza.
20
Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa hanzu yoruvara rwohute iya vomupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
21
Vakamanikidza mumwe murume aipfuura naipapo achibva kumaruwa, ainzi Simoni wokuSairini, baba vaArekizanda naRufusi, kuti atakure muchinjikwa wake.
22
Vakasvika naJesu kunzvimbo inonzi Gorogota, zvinoreva kuti nzvimbo yeDehenya,
23
vakamupa waini yakasanganiswa nemura asi akaramba kuinwa.
24
Vakamurovera pamuchinjikwa vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange kuti vaone kuti mumwe nomumwe wavo achatorei.
25
Yakanga iri awa yechipfumbamwe yamangwanani pavakamurovera pamuchinjikwa.
26
Chikwangwani chechiga chemhosva yaakapomerwa chaiti, “MAMBO WAVAJUDHA.”
27
Pakanga pakaroverwa pamwepo naye makororo maviri, akati rimwe kurudyi rimwe kuruboshwe rwake.
28
***
29
Vanhu vaipfuura nepo vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Aha ndiweka unopaza Temberi uchiivakazve namazuva matatu,
30
chizviponesaka, uburuke pamuchinjikwa ipapo!”
31
Saizvozvowo vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakamusveeredza vachitaurirana vachiti, “Akaponesa vamwe asi haagoni kuzviponesa iye pachake.
32
Kristu! Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakaroverwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyombawo.
33
Zvino paawa yegumi nechimbiri yamasikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu yamasikati.
34
Neawa yechitatu yamasikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” Zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
35
Zvino vamwe vakanga vamirepo vachizvinzwa vakati, “Inzwai, ari kudaidza Eriya.”
36
Ipapo mumwe akamhanya akanyika chifovefove muwaini inovava dzamara chazara ndokuchitungirira parutsanga ndokumupa kuti anwe vachiti, “Mirai tione kana Eriya achiuya kuzomuburutsa.”
37
Ipapo Jesu akadaidzira nezwi guru ndokubva afa.
38
Zvino jira rokudzikatirisa romuTemberi rakabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvikira pasi.
39
Kuzoti mutungamiri wezana akanga amirepo akatarisana naye aona kufa kwaakaita akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”
40
Pakangawo paina madzimai akanga akatarira ari chinhambwe. Vamwe vaiva mukati mavo ndavana Maria Magadharena, naMaria amai vaJemusi muduku naJosesi, naSarome,
41
vaimutevera achiri kuGarirea, vachimushandira, namamwe madzimai mazhinji akanga akwira naye kuJerusaremu.
42
Zvino kuzoti ava manheru, zvarakanga riri zuva rokugadzirira, ndiko kuti zuva rapamberi peSabata,
43
kwakauya Josefi weArimatia, aiva mumwe wamakurukota airemekedzwa. Iyewo pachake aimirira umambo hwaMwari. Akatsunga mwoyo ndokuenda kuna Pirato, akamukumbira chitunha chaJesu.
44
Pirato akashamiswa kuti atofa kare. Akadana mutungamiri wezana akamubvunza kuti afa here kare?
45
Paakazvinzwa, zvichibva kumutungamiri wezana kuti Jesu afa, akabvumira Josefi kutora chitunha.
46
Josefi akatenga fuko rerineni, akaturunura Jesu omuputira nefuko riya rerineni ndokumuradzika muguva rakanga rakacherwa mudombo. Akazokungurutsirawo dombo pamusuo weguva.
47
Zvino vana Maria Magadharena, naMaria amai vaJosesi vakanyatsoona paakaradzikwa.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16