bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Mark 5
Mark 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Vakazosvika mhiri kwegungwa, kudunhu ravaGerasa.
2
Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva.
3
Munhu uyu aigara mumakuva. Pakanga pasisina kana nomunhu zvake aigona kumusunga kunyange nengetani,
4
nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu — udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa.
5
Nguva dzose, siku nesikati, ainge ari ikoko kumakuva nomumakomo achingozhambarara uye achizvicheka — cheka namabwe.
6
Paakaona Jesu achiri chinhambwe, akamhanyira kwaari akamupfugamira,
7
ndokuzhamba nezwi guru achiti, “Unei neni, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Ndinoti nezita raMwari rega, kunditambudza.”
8
Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.”
9
Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo nokuti takawanda.”
10
Akateterera Jesu chaizvo kuti arege kuidzingira kunze kwedunhu iroro.
11
Ipapo paiva nedanga guru renguruve dzakanga dzichifura zvadzo mujinga megomo.
12
Mweya iya yakamuteterera ichiti, “Titumirei zvedu munguruve kuti tipinde madziri.”
13
Akaibvumidza. Mweya yakaipa yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Danga rose renguruve dzaikarosvitsa zviuru zviviri dzakati ware dzoteremuka napamawere ndokunoti rove — rove mugungwa kunyuramo.
14
Vafudzi vadzo ndokutiwo ware kutiza vakandotaurira vanhu veguta nevemumaruwa. Vanhu vakauya kuzoona zvakanga zvaitika.
15
Pavakasvika pana Jesu vakaona munhu uya aipoterwa nemweya yakaipa agere zvake, akatosimirawo, pfungwa dzake dzatodzikama, iye uya aiva nehondo yemweya yakaipa, vakabva vatya.
16
Vaya vakanga vazviona vakarondedzera vanhu zvakanga zvaitika kumunhu akanga akapoterwa nemweya yakaipa nezvakaitikawo kunguruve.
17
Ivo vakatanga kukumbira Jesu kuti abve zvake mudunhu ravo.
18
Paakanga ava kupinda mugwa, munhu uya akambenge akapoterwa nemweya yakaipa akamuteterera kuti aende naye.
19
Asi Jesu haana kumubvumira, akatomuti, “Chienda kumusha kwako, kuhama dzako, undodziudza zvawaitirwa naTenzi nokukunzwira tsitsi kwaaita.”
20
Munhu uya akabvapo ndokutanga kuparidza mudunhu reDhekapori zvinhu zvaakaitirwa naJesu. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo nazvo.
21
Zvino kuzoti Jesu ayambukirazve mhiri kwegungwa negwa, vanhu vazhinji vakamuunganira. Akanga ari padyo negungwa.
22
Zvino mumwe wavatungamiri vesinagogu, ainzi Jairosi akasvikapo. Pakuona kwakaita Jesu, akazviwisira patsoka dzake.
23
Akamuteterera kwazvo achiti, “Mwanasikana wangu muduku atova kutandadza. Uyai, muise maoko enyu paari aporeswe, ararame.”
24
Jesu akaenda naye. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richidzvinyirirana naye.
25
Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri.
26
Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara.
27
Zvaakanga anzwa nezvaJesu akauya necheshure kwake, ari mukati moruzhinji, ndokusvikobata hanzu yake,
28
nokuti aiti, “Kana ndikangobata kunyange hanzu dzake bedzi, ndichabva ndapora.”
29
Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa.
30
Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?”
31
Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ”
32
Akaringa — ringa achida kuona kuti akanga aita izvi ndiani.
33
Mukadzi uya, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, zvakanga zvoti kutya, zvikati kungwenda ndokuuya ozviwisira mberi kwake omuudza chokwadi chizere.
34
Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.”
35
Achiri kutaura kudaro, vamwe vakabva kumba kwomutungamiri wesinagogu uya vachiti, “Mwanasikana wenyu atofa. Muchiri kunetserei mudzidzisi?”
36
Jesu paakazvinzwa, akati kumutungamiri wesinagogu, “Regai henyu kutya ingotendai bedzi.”
37
Haana kubvumira vamwe vose kumutevera kusiya Pita, naJemusi, naJohani munun'una waJemusi.
38
Zvino pavakasvika kumba kwomutungamiri wesinagogu, akawana paine mhere mhere kwazvo yokuchema nokuungudza kukuru.
39
Paakapinda akati kwavari, “Seiko muchiita mhere mhere muchichema kudai? Mwana haana kufa kwete, asi akakotsira.”
40
Ivo vakamuseka. Zvino akaburitsa vose panze, akatora baba vomwana naamai vake navaya vaaiva navo, ndokupinda maiva nomwana.
41
Akamubata ruoko ndokuti kwaari, “Tarita kumi,” zvinoreva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri muka.”
42
Pakarepo musikana uya akasimuka, ndokufamba (sezvo akanga ava namakore gumi namaviri). Vanhu vose vakabva vashamiswa zvikuru kwazvo.
43
Jesu akavakohomedza kuti zvirege kuzivikanwa kana nomunhu zvake ndokuvaudza kuti vape musikana chokudya.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16