bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Mark 6
Mark 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Jesu akabvapo akaenda kudunhu rokwake; vadzidzi vake vakamutevera.
2
Kuzoti wava musi weSabata, akatanga kudzidzisa musinagogu. Vazhinji vakamunzwa vakashamiswa kwazvo vachiti, “Ko nhaimi, uyu akawanepiko zvinhu izvi? Ko ungwaru hworudziiko hwakapiwa kune munhu uyu? Naizvoka zvishamiso zvaanoita namaoko ake!
3
Ko handiye muvezi here uyu, mwana waMaria, mukomanomunun'una nanaJemusi naJosesi naJudhasi naSimoni. Ko hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Vakabva vamugumbukira.
4
Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.”
5
Haana kuzogona kuita kana nechishamiso zvacho ikoko; akangoisa maoko ake pamisoro yavarwere vashomanana akavaporesa.
6
Akashamiswa kwazvo nokusadavira kwavo. Akapota nemisha achidzidzisa.
7
Akadaidza vane gumi navaviri kwaari ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri achivapawo simba pamusoro pemweya yetsvina.
8
Akavaudza kuti varege kutakura chinhu parwendo rwavo kusiya tsvimbo chete, varege kutakura chingwa kana tsapo kana mari zvayo mumindya yavo.
9
Shangu vangapfeka zvavo, asi vagorega kupfeka hanzu mbiri.
10
Akatizve kwavari, “Kwose kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mazobvako.
11
Panzvimbo ipi neipi pavasingakugamuchirei kana pavasingakuteererei, pakubvapo kwenyu, gumai guruva retsoka dzenyu kuti rive chapupu kwavari.”
12
Nokudaro vakaenda vakandoparidza kuti vanhu vapinduke.
13
Vakadzinga mweya yakaipa mizhinji, vakazorawo varwere vazhinji mafuta, vachivaporesa.
14
Zvino mambo Herodhi akanzwa zvose izvi, nokuti zita raJesu rakanga rava nomukurumbira. Vamwe vaiti, “Johani Muombeki akamutswa muvafi, ndosaka ana masimba akadai maari okuita zvishamiso.”
15
Asi vamwe vaiti ndiEriya, vamwewo vachiti, “Muporofita akangofananawo navamwe vaporofita vakare.”
16
Asi Herodhi, paakanzwa izvi, akati, “Johani uya wandakadimbura musoro ndiye akamutswa.”
17
Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora.
18
Nokuti Johani aiti kuna Herodhi, “Hazvibvumirwi kuti iwe ugare nomukadzi womunun'una wako.”
19
Ipapo Herodhiasi aiva nedaka naJohani, achida kumuuraya, asi akakoniwa.
20
Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura.
21
Zvino zuva rakanga rakamirirwa naHerodhiasi rakazosvika nomusi wokupemberera kuberekwa kwaHerodhi. Pazuva iroro, Herodhi akaitira mabiko vakuru — vakuru vehurumende yake navatungamiriri vehondo navakuru — vakuru veGarirea.
22
Mwanasikana waHerodhiasi akapinda akatamba akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye. Ipapo mambo akati kumusikana, “Ndikumbire hako chero chaunoda ndinokupa.”
23
Uyezve akatopika kwaari achiti, “Ukandikumbira chipi nechipi zvacho ndinokupa, kunyange chikava chikamu chepakati nepakati chezvoushe hwangu.”
24
Zvino musikana uya akabuda panze akabvunza amai vake achiti, “Chii chandingakumbire?” Ivo vakati, “Musoro waJohani anoombeka.”
25
Musikana akabva apinda makare nokuchimbidza kuna Mambo ndokukumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino, mudhishi, musoro waJohani Muombeki.”
26
Mambo zvakamurwadza chaizvo, asi nokuda kwemhiko dzake dzaakanga aita, uye pamusana pavaenzi vake, haana kuda kuramba.
27
Pakarepo mambo akatuma musoja wokuchengetedza mambo achimuti auye nomusoro waJohani. Iye akaenda akandomudimura musoro mujeri muya,
28
ndokuuya nawo uri mudhishi, akaupa kumusikana; musikana ndokuupawo kuna amai vake.
29
Zvino vadzidzi vaJohani zvavakazvinzwa, vakaenda, vakatora chitunha chake ndokuchiviga muguva.
30
Zvino vapositori vakadzoka kuna Jesu vachimurondedzera zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa.
31
Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya.
32
Vakabvapo negwa ndokuenda pachavo vari voga kunzvimbo isina vanhu.
33
Vanhu vazhinji vakavaona vachienda vakabva vavaziva ndokumhanyirako netsoka vachibva mumaguta ose, vakavatangira kusvikako.
34
Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
35
Kuzoti zvino zuva rarereka, vadzidzi vake vakauya kwaari voti, “Ino inzvimbo isina vanhu uye zuva rarereka iri,
36
chiitai kuti vanhu vaende kumaruwa nokumisha yakapoteredza vandozvitengera zvokudya.”
37
Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?”
38
Iye ndokuvati, “Ko mune zvingwa zvingani? Endai mundotarisa.” Kuzoti vazviona, vakati, “Zvishanu nehove mbiri.”
39
Iye akati vanhu vose vagariswe pasi pauswa hunyoro vakaita zvikwata — zvikwata.
40
Vakabva vagara pasi vakaita mapato — mapato, mamwe ezana mamwe emakumi mashanu.
41
Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri.
42
Vose vakadya; vakaguta.
43
Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri.
44
Vakadya zvingwa zviya vaiva varume zviuru zvishanu.
45
Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya.
46
Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata.
47
Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga.
48
Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira.
49
Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere;
50
nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.”
51
Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru,
52
nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara.
53
Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kudunhu reGenesareti ndokusungirira igwa pamahombekombe.
54
Vakati vachibuda mugwa riya vanhu vakabva vangomuziva.
55
Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari.
56
Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16