bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Mark 16
Mark 16
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Kuzoti Sabata rapfuura, vanaMaria Magadharena naMaria amai vaJemusi naSarome vakatenga mafuta anonhuwira kuti vandomuzora nawo.
2
Mangwanani — ngwanani omusi weSvondo vakafumoenda kuguva zuva rabuda.
3
Vaibvunzana vachiti, “Ko ndiani achandotikungurutsira dombo riya pamusuo weguva?”
4
Zvino vakatarira vakaona kuti dombo riya rakanga ratokungurutswa; rakanga riri guru kwazvo.
5
Pavakapinda muguva vakaona Jaya rigere nechokurudyi, rakapfeka gemenzi jena, vakabva vavhunduka kwazvo.
6
Jaya ndokuvati, “Regai kuvhunduka, muri kutsvaka Jesu weNazareti akarovererwa pamuchinjikwa. Amuka, haasisimo muno. Tarisai muone nzvimbo yavakamuradzika.
7
Chiendai mundoudza vadzidzi vake naPita kuti Jesu anofanokutungamirirai kuGarirea; ikoko ndiko kwamuchandomuona sezvaakambokutaurirai.”
8
Vakabuda ndokutiza paguva paya nokuti vakanga vava kudedera uye vakashamiswa kwazvo. Hapana wavakaudza chinhu, nokuti vakanga vava kutya.
9
Kuzoti amuka muvafi mangwanani nomusi weSvondo akazviratidza pokutanga kuna Maria Magadharena, uya waakabvisa mweya yakaipa minomwe.
10
Maria akaenda kundoudza vaya vaiva naye, vakanga vari mukuchema nokuungudza
11
Asi pavakanzwa kuti Jesu mupenyu uye kuti aonekwa naye havana kutenda.
12
Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidza neimwe nzira kuna vaviri vachifamba kuenda kumaruwa.
13
Naivavawo vakadzokera vakandoudza vamwe vose asi kunyange ivava havana kuvatenda.
14
Pashure Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwechete vari pakudya. Akavashora pamusana pokusatenda kwavo napamusana poukukutu hwomoyo yavo nokuti havana kutenda vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
15
Akati kwavari, “Endai kunyika dzapasi pose mundoparidza Shoko Rakanaka kuzvisikwa zvose.
16
Anenge atenda akaombekwa achaponeswa, asi uyo asingatendi achapiwa mhosva.
17
Hezvino zviratidzo zvichava navanotenda:
18
Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu. Vachataura nendimi itsva, vachabata nyoka namaoko. Kunyange vakanwa chinouraya hachizovakuvadzi kwete. Vachaisa maoko pavarwere, vachibva vapora.”
19
Kuzoti Jesu apedza kutaura kwavari akakwidzwa kudenga kwaakandogara kurudyi rwaMwari.
20
Ivo vakaenda vakandoparidza kwose kwose, Tenzi achivabatsira achitsinhira shoko ravo nezviratidzo zvairisimbisa. Ameni.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16