bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Matthew 1
Matthew 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
1
Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu.
2
Abhurahamu akabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navanun'una vake;
3
Judha akabereka Faresi naZara nomukadzi wake Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami;
4
Arami akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akabereka Nasoni; Nasoni akabereka Saremoni.
5
Saremoni akabereka Bhoazi kumukadzi wake Rahabhi; Bhoazi akabereka Obhedhi nomukadzi wake Rute; Obhedhi akabereka Jesi;
6
Jesi akabereka mambo Dhavhidhi. Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUriya;
7
Soromoni akabereka Robhoami; Robhoami akabereka Abhia; Abhia akabereka Asafa;
8
Asafa akabereka Josafati; Josafati akabereka Joramu; Joramu akabereka Uziya.
9
Uziya akabereka Jotamu; Jotamu akabereka Ahazi; Ahazi akabereka Hezekiya;
10
Hezekiya akabereka Manase; Manase akabereka Amoni; Amoni akabereka Josiya;
11
Josiya akabereka Jekonia navanun'una vake nenguva yokutapwa kwavo Bhabhironi.
12
Shure kwokutapwa kwavo Bhabhironi Jekonia akabereka Saratieri; Saratieri akabereka Zerubhabheri;
13
Zerubhabheri akabereka Abhiudhi; Abhiudhi akabereka Eriyakimi; Eriyakimi akabereka Azori;
14
Azori akabereka Sadhoki; Sadhoki akabereka Akimi; Akimi akabereka Eriudhi;
15
Eriudhi akabereka Eriazari; Eriazari akabereka Matani; Matani akabereka Jakobho;
16
Jakobho akabereka Josefa, murume waMaria, iye akabereka Jesu, anonzi Kristu.
17
Naizvozvo zvizvarwa zvose kubva kuna Abhurahamu kusvikira kuna Dhavhidhi zvaiva zvizvarwa gumi nezvina; kubva kuna Dhavhidhi kusvikira pakutapwa Bhabhironi zvizvarwa zvine gumi nezvina; kubva pakutapwa Bhabhironi kusvikira kuna Jesu Kristu zvizvarwa zvine gumi nezvina.
18
Kuberekwa kwaJesu Kristu kwaiva kudai: Maria, mai vake, akati aroorwa naJosefa, vasati vasangana, akaonekwa ava napamuviri naMweya Mutsvene.
19
Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu akarurama, asingadi kumunyadzisa, akafunga kumuramba chinyararire.
20
Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene.
21
Iye achazvara mwanakomana, agomutumidza zita rinonzi Jesu; nokuti ndiye achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.”
22
Izvozvo zvose zvakaitwa kuti zviitike zvakarehwa naIshe, nomuromo womuporofita achiti,
23
“Tarira, mhandara ichava nepamuviri, ichazvara mwanakomana, vachamutumidza zita rinonzi Emanueri;” ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Mwari anesu.”
24
Zvino Josefa akamuka pahope dzake akaita sezvaakarairwa nomutumwa waIshe, akatora mukadzi wake;
25
akasamuziva kusvikira azvara mwanakomana wake wedangwe, ndokumutumidza zita rinonzi Jesu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28