bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Matthew 8
Matthew 8
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
1
Akati aburuka pagomo, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera.
2
Tarira, munhu ana maperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
3
Akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati, “Ndinoda; chinatswa!” Pakarepo maperembudzi ake akanatswa.
4
Jesu akati kwaari, “Tarira, usaudza munhu; asi enda, uzviratidze kumupristi, ubayire chipo chakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
5
Akati apinda Kapenaume, mumwe mukuru wezana akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari,
6
achiti, “Ishe, muranda wangu avete kumba, akafa mitezo, asi anotambudzika kwazvo.”
7
Akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”
8
Mukuru wezana akapindura, akati, “Ishe, handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; asi taurai henyu shoko rimwechete, muranda wangu achapora.
9
Nokuti neniwo ndiri munhu anorairwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kuno mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kuno mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ Anochiita.”
10
Jesu, akati achinzwa izvozvo, akashamiswa, akati kuna vakanga vachitevera, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, “Handina kumboona kutenda kwakadai, kunyangwe napakati paVaIsiraeri.
11
Ndinoti kwamuri, vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva, nokumavirira, vachagara naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho, muushe hwedenga,
12
asi vanakomana voushe vachabudiswa kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda–geda kwameno.”
13
Zvino Jesu akati kumukuru wezana, “Enda uitirwe sokutenda kwako.” Muranda wake akapora nenguva iyo.
14
Jesu, akati achipinda mumba maPetirosi, akaona vambuya vaPetirosi vavete, vachinzwa fivha.
15
Akabata ruoko rwavo, fivha ikabva kwavari, vakasimuka, vakamushumira.
16
Ava madekwana, vakauya kwaari navazhinji vaiva nemweya yakaipa; akabudisa mweya neshoko, akaporesa vose vairwara.
17
Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Iye akatora utera hwedu, akatakura zvirwere zvedu.”
18
Jesu, akati achiona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri.
19
Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
20
Jesu akati kwaari, “Makava ana mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
21
Mumwe wavadzidzi akati kwaari, “Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoviga baba vangu.”
22
Asi Jesu wakati kwaari, “Nditevere; rega vakafa vavige vakafa vavo.”
23
Akati apinda muigwa, vadzidzi vake vakamutevera.
24
Ipapo dutu guru rikamuka mugungwa, nokudaro igwa rakafukidzwa namafungu; asi iye akanga avete.
25
Zvino vadzidzi vake vakauya, vakamumutsa, vakati, “Ishe, tiponesei, tofa!”
26
Akati kwavari, “Munotyireiko, imi vokutenda kushoma?” Zvino akamuka, akaraira dutu negungwa; kudzikama kukuru kukavapo.
27
Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?”
28
Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasangana naye, vachibva kumakuva; vakanga vane hasha kwazvo kwazvo, naizvozvo kwakanga kusina munhu aigona kupfuura nenzira iyoyo.
29
Zvino vakadanidzira, vachiti, “Tinemhaka yeiko nemi, Mwanakomana waMwari? Mauya pano kuzotitambudza, nguva isati yasvika here?”
30
Kwakanga kune boka guru renguruve dzakanga dzichifura kure navo.
31
Mweya yakaipa ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Kana muchitibudisa, mutitumire kuboka renguruve.”
32
Akati kwairi, “Endai.” Ikabuda, ikapinda munguruve; boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
33
Ipapo vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose, nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
34
Zvino guta rose rikabuda kundosangana naJesu; vakati vachimuona, vakakumbira zvikuru kwaari kuti abve munyika yavo.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28