bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Matthew 2
Matthew 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 3 →
1
Jesu akati aberekwa muBhetirehemu reJudhiya, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusaremu vachibva mabvazuva,
2
vakati, “Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.”
3
Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye.
4
Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.”
5
Vakati kwaari, “MuBhetirehemu reJudhiya; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi;
6
‘Newe Bhetirehemu, nyika yeJudhiya, Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha; Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri, Achafudza vanhu vangu VaIsiraeri.’ ”
7
Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyenyedzi navo,
8
akavatuma Bhetirehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.”
9
Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyenyedzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga muno mwana.
10
Vakati vaona nyenyedzi, vakafara nomufaro mukuru–kuru.
11
Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.
12
Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.
13
Vakati vaenda, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota, achiti, “Simuka, utore mwana namai vake, utizire Ijipiti, ugareko kusvikira ndichikuudza; nokuti Herodhi achatsvaka mwana kuti amuuraye.”
14
Akasimuka, akatora mwana namai vake usiku, akaenda Ijipiti,
15
akagarako kusvikira Herodhi afa, kuti zviitike zvakarehwa naIshe nomuromo womuporofita, achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.”
16
Zvino Herodhi, akati aona kuti anyengerwa navachenjeri, akatsamwa kwazvo–kwazvo; akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose vaiva muBhetirehemu munyika yose yakapoteredza, vaiva namakore maviri navaduku kwavari, iri nguva yaakanzwisisa kuvachenjeri.
17
Zvikaitika zvakarehwa nomuporofita Jeremiya achiti,
18
“Izwi rakanzwika muRama, Rokuchema nokurira kukuru; Racheri achichema vana vake, Asingadi kunyaradzwa, nokuti havachipo.”
19
Herodhi akati afa, tarira, mutumwa waIshe akaonekwa naJosefa pakurota muIjipiti,
20
akati, “Simuka, utore mwana namai vake, uende kunyika yaIsiraeri, nokuti vaitsvaka kuuraya mwana vakafa.”
21
Akasimuka, ndokutora mwana namai vake, akasvika kunyika yaIsiraeri.
22
Asi, akati achinzwa kuti Akerasi wava mambo panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako; akanyeverwa mukurota, akaenda kumativi enyika yeGareriya;
23
akandogara muguta rinonzi Nazareta, kuti zvakarehwa navaporofita zviitike, kuti achanzi muNazareta.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28