bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Matthew 6
Matthew 6
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
1
“Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna baba venyu vari kudenga.
2
“Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubairo wavo.
3
Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako,
4
kuti kupa kwako kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubairo.
5
“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubairo wavo.
6
“Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna baba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubairo.
7
“Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji.
8
Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari.
9
Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe.
10
Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.
11
Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana.
12
Mutiregerere mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu.
13
Musatirege tichiedzwa, asi mutinunure pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’
14
Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.
15
Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.
16
“Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubairo wavo.’
17
Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako;
18
kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubairo.
19
“Regai kuzviunganidzira pfuma pasi pano, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbava dzinopaza dzichiba.
20
“Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasina zvipfukuto nengura zvinopedza, pasina mbavha dzinopaza dzichiba.
21
“Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.
22
Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa.
23
“Asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava rima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, rima iro iguru sei!
24
“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.
25
“Saka ndinoti kwamuri, ‘Regai kufunganya pamusoro peupenyu hwenyu, muchiti ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichapfekeiko?’ Upenyu hahupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokupfeka here?
26
Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzikohwi, hadzitutiri mumatura; asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here?
27
Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe paurefu hwake nokufunganya?
28
“Munofunganyireiko pamusoro pezvokupfeka? Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati basa, haaruki;
29
asi ndinoti kwamuri, kuti kunyangwe naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
30
“Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
31
“Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ Kana, ‘Tichanweyi?’ Kana, ‘Tichapfekeiko?’
32
Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi zvose.
33
Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.
34
Naizvozvo musafunganya pamusoro pezvamangwana; nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo; zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nenhamo dzaro.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28