bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Matthew 4
Matthew 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
1
Zvino Jesu akatungamirirwa naMweya kurenje, kuzoedzwa naDhiabhori.
2
Akati azvinyima zvokudya mazuva ana makumi mana, nousiku hunamakumi mana, akabva oziya.
3
Zvino muedzi akauya akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, taura kuti mabwe awa zvive zvingwa.”
4
Asi akapindura, akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.’ ”
5
Zvino Dhiabhori akaenda naye kuguta dzvene, akamumisa pachiruvi chetemberi,
6
akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi; nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye acharaira vatumwa vake pamusoro pako, Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumburisa rutsoka rwako nebwe.’ ”
7
Jesu akati kwaari, “Kwakanyorwawo, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
8
Dhiabhori akamuisazve pagomo refu–refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika, nokubwinya kwahwo;
9
akati kwaari, “Izvi zvose ndichakupa, kana ukawira pasi ukandipfugamira.”
10
Ipapo Jesu akati kwaari, “Ibva, Satani, nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘Pfugamira Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
11
Zvino Dhiabhori akamusiya, vatumwa vakauya vakamushandira.
12
Jesu akati anzwa kuti Johani asungwa, akaenda Gareriya.
13
Zvino, akabva Nazareta, akandogara Kapenaume pagungwa, munyika yeZabhuroni neNafitari;
14
kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti,
15
“Nyika yeZabhuroni, nenyika yeNafitari, Panzira yegungwa, mhiri kwaJodhani, Gareriya ravahedheni;
16
Vanhu vakanga vagere murima Vakaona chiedza chikuru; Navakanga vagere panyika yorufu nomumumvuri worufu, Chiedza chakavabudira.”
17
Kubva panguva iyeyo Jesu akatanga kuparidza, achiti, “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.”
18
Akati achifamba paGungwa reGareriya, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.
19
Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.”
20
Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera.
21
Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana.
22
Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera.
23
Jesu akapota neGareriya rose, akadzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Vhangeri youshe, achiporesa zvirwere zvose zvavanhu.
24
Mukurumbira wake wakanzwika kunyika yose yeSiria; vakauya kwaari navairwara vose, navakabatwa nezvirwere zvamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vane mweya yakaipa, navakanga vane zvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa.
25
Vanhu vazhinji zhinji vaibva Gareriya, neDhekaporisi, neJerusaremu, neJudhiya, nemhiri kwaJodhani vakamutevera.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28