bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Matthew 7
Matthew 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
1
“Musatonga, kuti murege kutongwa;
2
nokuti kutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiero chamunoera nacho, muchaerwa nacho.
3
Unotarireiko kabanzu kari muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako?
4
Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti, ‘Rega, ndibvise kabanzu muziso rako,’ izvo danda riri muziso rako?
5
Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa kabanzu muziso rehama yako.
6
“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda mapera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.
7
“Kumbira, muchapiwa; tsvakai muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
8
“Nokuti mumwe nomumwe anokumbira anopiwa; anotsvaka anowana; anogogodza anozarurirwa.
9
Munhu ndoupiko kwamuri, kana mwanakomana wake akakumbira chingwa, angamupa ibwe?
10
Kana akakumbira hove, angamupa nyoka?
11
Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!
12
“Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murairo navaporofita.
13
“Pindai nesuwo rakamanikana; nokuti suwo rakafara, nzira yakapamhamha, inoenda mukuparadzwa; vanopinda napo vazhinji.
14
Nokuti suwo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, uye vanoiwana vashoma.
15
“Chenjerai vaporofita venhema, vanouya kwamuri vane nguo dzamakwai, asi mukati ari mapere anoparadza.
16
“Muchavaziva nezvibereko zvavo. Mazambiringa anombotanhwa paminzwa here, kana maonde parukato?
17
Saka izvozvo muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka michero yakanaka, asi muti wakaipa unobereka michero yakaipa.
18
“Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nomuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.
19
Muti mumwe nomumwe usingabereki michero yakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.
20
Saka muchavaziva nemichero yavo.
21
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muushe hwokudenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22
Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here?’ Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita zvishamiso zvizhinji muzita renyu here?
23
Zvino ndichavaudza pachena, handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vezvisakarurama.
24
“Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware.
25
“Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware.
26
Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha.
27
Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.”
28
Jesu akati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake;
29
nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori vavo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28