bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Romans 1
Romans 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 2 →
1
Pauro, muranda waKristu Jesu, akadanwa kuti ave mupostori, akatsaurirwa Vhangeri yaMwari,
2
yaakapira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene,
3
zvoMwanakomana wake, akabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama,
4
akaratidzwa nesimba paMweya woutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu,
5
watakagamuchira naye nyasha nohupostori, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuteerera kwokutenda nokuda kwezita rake;
6
nemiwo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu;
7
kuna vose vari muRoma, vadikanwi vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene, Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.
8
Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.
9
Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muVhangeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,
10
ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndiuye kwamuri nokuda kwaMwari.
11
Nokuti ndinoda zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe.
12
Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwechete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.
13
Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuriwo, sapakati pavamwe vahedheni.
14
Ndine ngava kuvaGiriki nokuvatorwa, kuvakachenjera navasina kuchenjera.
15
Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidziraiwo Vhangeri, imi muri paRoma.
16
Nokuti handinyari pamusoro peVhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe anotenda, kutanga muJudha, uye muGirikiwo.
17
Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Akarurama achararama nokutenda.”
18
Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa chokwadi nokusarurama;
19
nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinoonekwa mukati mavo, nokuti Mwari akazviratidza izvo kwavari.
20
Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nohuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;
21
nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisina maturo nemwoyo yavo isina zivo, ikasvibiswa.
22
Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi;
23
vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu anofa, neshiri, nemhuka dzina makumbo mana, nezvinokambaira.
24
Saka Mwari, mukuchiva kwemwoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo.
25
Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira zvisikwa kupfura Musiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
26
Saka Mwari akavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa;
27
saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurasika kwavo.
28
Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarasika, kuti vaite zvisakafanira;
29
vakazadzwa nokusarurama kwose; nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve–zeve,
30
navacheri, navanovenga Mwari, navanodada navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingateereri vabereki,
31
namapenzi, navanoputsa sungano, navasina rudo kwarwo, vasina ngoni.
32
Avo, kunyangwe vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16