bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Romans 2
Romans 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Saka hauna pembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga, unoita zvinhu izvozvo.
2
Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunovanoita zvinhu zvakadai.
3
Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviitawo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?
4
Unozvidza kanhi pfuma younyoro hwake, nomwoyo wake munyoro, nomwoyo wake murefu, usingazivi here kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
5
Asi noukukutu hwako nomwoyo usingadi kutendeuka, unozviunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari;
6
iye achapa mumwe nomumwe paakaita napo,
7
Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, achavapa upenyu husingaperi.
8
Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, vanoteerera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha,
9
nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu anoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki;
10
asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kune mumwe nomumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nomuGirikiwo.
11
Nokuti Mwari haatendi zvinoonekwa zvomunhu.
12
Nokuti vose vakatadza vasina murairo, vachaparadzwawo vasina murairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo;
13
nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa;
14
(nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vava murairo wavo vamene;
15
nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwechete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)
16
nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Vhangeri yangu.
17
Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza muna Mwari,
18
unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo,
19
unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima,
20
nomurayiri wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvauno mufananidzo wokuziva nowechokwadi pamurairo;
21
zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti, “Munhu arege kuba,” unobireiko iwe?
22
Iwe unoti munhu arege kuita, “Upombwe,” unoitireiko upombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe temberi dzavo?
23
Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshoora Mwari nokudarika murairo neiko?
24
Nokuti, sezvazvakanyorwa, zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.
25
Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.
26
Zvino, kana iye asina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?
27
Neasina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, uyewo kudzingiswa?
28
Nokuti uyo haazi muJudha, ari muJudha pakuonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunoonekwa, kuri panyama;
29
asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomwoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16