bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Romans 5
Romans 5
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Naizvozvo zvatinoruramiswa nokutenda ngative norugare kuna Mwari naIshe wedu, Jesu Kristu;
2
watakawana naye mapindiro nokutenda munyasha idzi, dzatinomira madziri; ngatifare netariro yokuona kubwinya kwaMwari.
3
Zvisati zviri izvo bedzi, asi ngatifarewo mumatambudziko, tichiziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira;
4
kutsungirira kunouyisa kuedzwa; kuedzwa kunouyisa tariro;
5
tariro hainyadzisi; nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumwoyo yedu noMweya Mutsvene watakapiwa.
6
Nokuti tichiri pakushayiwa simba, Kristu panguva yakafanira akafira vasingadi Mwari.
7
Nokuti zvinorema kuti munhu afire akarurama; nokuti zvimwe mumwe angatsunga kufira akanaka.
8
Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu akatifira, tichiri vatadzi.
9
Zvino, zvatakaruramiswa muropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye pakutsamwa.
10
Nokuti zvatakayananiswa naMwari nokufa kwoMwanakomana wake, tichiri vavengi vake, zvikuru tichaponeswa kana tayananiswa noupenyu hwake;
11
zvisati zviri izvo bedzi, asi tinofara zvikuruwo muna Mwari naIshe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye iko kuyananiswa.
12
Saka, zvivi sezvazvakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nezvivi; saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza;
13
nokuti murairo usati wavapo, zvivi zvakanga zviri panyika; asi zvivi hazviverengerwi munhu, kana kusina murairo.
14
Asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mosesi, kunyangwe napakatiwo pavasina kutadza nokudarika kwaAdhamu, waiva mufananidzo waakanga achizouya.
15
Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomumwe, zvikuru nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, zvakawandira vazhinji.
16
Uye chipo hachifanani nezvivi zvomunhu mumwe akatadza; nokuti kutonga kwakauya nomunhu mumwe kuti vapiwe mhosva; asi chipo chokungopiwa chakauya nokudarika kuzhinji, kuti varuramisirwe.
17
Nokuti kana nokudarika kwomumwe rufu rwakabata ushe nomunhu uyu mumwe; zvikuru avo, vakapiwa kuwanda kwenyasha nokwechipo chokururama, vachabata ushe paupenyu nomumwe, iye Jesu Kristu.
18
Naizvozvo, kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo.
19
Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi nokusateerera kwomumwe, saizvozvo vazhinji vachaitwa vakarurama nokuteerera kwomumwe.
20
Murairo wakapindawo kuti kudarika kuwande; zvino zvivi pazvakawanda, nyasha dzakawanda nokupfuurisa;
21
kuti zvivi sezvazvakabata ushe parufu, saizvozvo nyasha dzibate ushe nokururama, zviise kuupenyu husingaperi naJesu Kristu Ishe wedu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16