bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Romans 6
Romans 6
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Zvino tichatiiko? Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?
2
Haisva! Isu takafa kuzvivi, tichagara seiko mukati mazvo?
3
Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake?
4
Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwechete naye murufu; kuti saiye Kristu akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesuwo tifambe noupenyu hutsva.
5
Nokuti kana takava vamwe naye pakufanana naye parufu rwake, tichadarowo pakumuka kwake;
6
tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, kuti muviri wezvivi ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;
7
nokuti akafa, aruramiswa pazvivi.
8
Zvino kana takafa pamwechete naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwechete naye;
9
tichiziva kuti Kristu, amutswa kuvakafa, haachazofi; rufu haruchavi nesimba pamusoro pake.
10
Nokuti pakufa kwake, akafa kamwe kwazvo kuzvivi; zvino pakurarama kwake, anorarama kuna Mwari.
11
Saizvozvo nemiwo muzviti makafa kuzvivi, asi kuti muri vapenyu kuna Mwari, muna Kristu Jesu.
12
Naizvozvo zvivi ngazvirege kubata ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwawo;
13
uye musapa zvivi mitezo yenyu, kuti dzive nhumbi dzokuita zvisakarurama; asi muzvipe imi kuna Mwari, savanhu vakararama kuvakafa, nemitezo yenyu kuti dzive nhumbi dzokururama kuna Mwari.
14
Nokuti zvivi hazvingavi nesimba pamusoro penyu; nokuti hamuzi pasi pomurairo asi pasi penyasha.
15
Zvino tichatiiko? Titadze, nokuti hatizi pasi pomurairo here, asi pasi penyasha? Haisva!
16
Hamuzivi here, kuti uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, kuti muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vezvivi zvinoisa kurufu, kana wokuteerera kunoisa kukururama?
17
Asi Mwari ngaavongwe, nokuti imi maiva varanda vezvivi, mukazoteerera nomwoyo rudzi urwu rwedzidziso yamakaiswa kwairi.
18
Makasunungurwa pazvivi, mukava varanda vokururama.
19
Ndinotaura nokutaura kwavanhu, nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuti ive varanda vetsvina, navezvisakarurama zvinoisa kune zvisakarurama, saizvozvo ipai mitezo yenyu zvino ive varanda vokururama kunoisa kuutsvene.
20
Nokuti panguva iyo muchiri varanda vezvivi, makanga makasununguka pakururama.
21
Zvino maiva nezvibereko zveiko panguva iyo pazvinhu izvo zvamunonyadziswa nazvo zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu.
22
Asi zvino makasunungurwa pazvivi, mava varanda vaMwari, mune zvibereko zvenyu zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi.
23
Nokuti mubairo wezvivi ndirwo rufu; asi chipo chokungopiwa chaMwari ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu, Ishe wedu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16