bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Romans 15
Romans 15
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi.
2
Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa.
3
Nokuti Kristuwo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.”
4
Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro.
5
Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu;
6
kuti mukudze Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe.
7
Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.
8
Nokuti ndinoti, Kristu akaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba.
9
Uye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, Nokukuimbirai zita renyu.”
10
Uyezve unoti, “Farai imi vahedheni, navanhu vake.”
11
Uyezve, “Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose; Marudzi ose ngaamukudze.”
12
Uyezve, Isaya anoti, “Mudzi waJese uchavapo, Naiye unomuka, kuti abate vahedheni; Vahedheni vachamutarira iye.”
13
Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.
14
Zvino, hama dzangu, ini ndimene ndinoziva kwazvo pamusoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziva kwose, munogonawo kurayirana.
15
Asi ndinokunyorerai zvimwe ndichinyanya kutsunga, ndichiita sendinokuyeudzai nenyasha dzandakapiwa naMwari,
16
kuti ndive muranda waKristu Jesu kuvahedheni, ndichiita basa roupristi muVhangeri yaMwari, kuti chibayiro chavahedheni chifadze Mwari, chakaitwa chitsvene noMweya Mutsvene.
17
Naizvozvo ndingazvirumbidza muna Kristu Jesu pazvinhu zvaMwari.
18
Nokuti ndingatya kutaura zvimwe zvinhu, asi izvo Kristu zvaakaita neni, kuti vahedheni vaterereswe neshoko namabasa,
19
nesimba rezviratidzo nezvinoshamisa, nesimba roMweya Mutsvene; nokuda kubva Jerusaremu nenyika yakapoteredza, kusvikira Iririko, ndakaparidza kwazvo Vhangeri yaKristu;
20
ndichishingairira chinhu ichi kuti ndiparidze Vhangeri, apo pasina kumborehwa zita raKristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzomumwe munhu;
21
asi, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Avo, vasina kuudzwa zvake, vachaona; Naivo vasina kunzwa vachanzwisisa.”
22
Naizvozvo ndakadziviswawo kazhinji kuuya kwamuri;
23
zvino zvandisina pokubata panyika idzi, uye zvaava makore mazhinji ndichida zvikuru kuuya kwamuri,
24
kana ndichienda Sipeini, ndichauya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuonai parwendo rwangu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta zvishoma kuonana nemi).
25
Asi zvino ndomboenda Jerusaremu kundoshumira vatsvene.
26
Nokuti veMasedhonia naveAkaia vakati zvakanaka kuti vagovane navarombo pavatsvene vari muJerusaremu.
27
Nokuti vakati zvakanaka; vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaitwa vagovani navo pazvinhu zvoMweya, vane ngavawo rokuvashumira pazvinhu zvenyama.
28
Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndikavavigira chibereko ichi, ndichaenda Sipeini nokwenyu.
29
Ndinoziva kuti kana ndichiuya kwenyu, ndichauya nokuropafadza kwakazara kwaKristu.
30
Zvino ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naIshe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwoMweya, kuti murwe pamwechete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu;
31
kuti ndisunungurwe kuna vasingateereri muJudhiya, uye kuti kushumira kwangu kuna veJerusaremu kufadze vatsvene;
32
kuti ndiuye kwamuri nomufaro nokuda kwaMwari, ndiwane zororo pamwechete nemi.
33
Zvino Mwari worugare ngaave nemi mose. Ameni.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16