bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Romans 7
Romans 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
1
Hamuzivi here, hama dzangu, (nokuti ndinotaura navanhu vanoziva murairo), kuti murairo unobata munhu nguva yose youpenyu hwake?
2
Nokuti mukadzi, ano murume, akasungwa nomurairo kumurume wake, iye achiri mupenyu; asi kana murume afa, asunungurwa pamurairo womurume.
3
Naizvozvo zvino kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, achanzi chipfeve asi kana murume wake afa, asununguka pamurairo, zvino haazi chipfeve kunyangwe akawanikwa nomumwe murume.
4
Saka, hama dzangu nemiwo makaitwa vakafa kumurairo nomuviri waKristu; kuti muve womumwe, iye akamutswa muvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
5
Nokuti panguva iyo tichiri munyama, kuchiva kwezvivi, kwakamutswa nomurairo, kwakabata mumitezo yedu kuti kubereke zvibereko zvinoisa kurufu.
6
Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kuna izvozvo zvatakanga takasungwa nazvo; naizvozvo tinobatira Mwari nomweya mutsva, tisingabatiri nezvakanyorwa zvakare.
7
Zvino tichatiiko? Murairo zvivi here? Haisva! Asi handizaiziva zvivi kana murairo usaivapo; nokuti handizaiziva kuchiva, kana murairo usina kuti, “Usachiva;”
8
zvino zvivi zvakawana nzira nomurairo, zvikaita mandiri mitoo yose yokuchiva; nokuti kunze kwomurairo zvivi zvakafa.
9
Ini ndaiva mupenyu kare kunze kwomurairo, asi mutemo uchizosvika, zvivi zvakamuka, ini ndikafa;
10
nomutemo iwo waifanira kuisa kuupenyu, ndakauwana uchiisa kurufu;
11
nokuti zvivi zvakawana nzira nomutemo, zvikandinyengera, zvikandiuraya nawo.
12
Naizvozvo murairo mutsvene, nomutemo mutsvene, wakarurama, wakanaka.
13
Ko zvino zvakanaka zvakazova rufu kwandiri here? Haisva! Asi ndizvo zvivi, kuti zviratidzwe kuti zvivi, zvakandiitira rufu nezvakanaka; kuti nomutemo zvivi zvive zvakaipa kwazvo–kwazvo.
14
Nokuti tinoziva kuti murairo ndowemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pezvivi.
15
Nokuti zvandinoita handizvizivi; nokuti zvandinoita hazvizi zvandinoda; asi zvandinovenga, ndizvo zvandinoita.
16
Zvino kana ndichiita zvandisingadi, ndinobvumira kuti murairo wakanaka
17
Zvino handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
18
Nokuti ndinoziva kuti mukati mangu, imo munyama yangu, hamugari chinhu chakanaka; nokuti kuda kuripo kwandiri, asi kuita zvakanaka hakupo.
19
Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita.
20
Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.
21
Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.
22
Nokuti ndinofarira murairo waMwari nomunhu womukati;
23
asi ndinoona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.
24
Ndiri munhu uri pakutambudzika! Ndianiko achandisunungura pamuviri worufu urwu?
25
Mwari ngaavongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu. Naizvozvo nomurangariro ndinobatira Mwari, asi nenyama murairo wezvivi.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16