bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Samuel 1
1 Samuel 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
1
Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimisofimi, wenyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Erikana, mwanakomana weJehoramu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfurata.
2
Iye wakanga ana vakadzi vaviri, zita romumwe rainzi Hana, uye zita romumwe rainzi Penina; Penina wakanga ana vana, asi Hana wakanga asina vana.
3
Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vaprista vaJehovha
4
Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo;
5
asi Hana wakamupa migove miviri; nokuti wakanga achida Hana, asi Jehovha wakanga azarira chizvaro chake.
6
Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye moyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake.
7
Akaita saizvozvo gore rimwe nerimwe, kana achikwira kuimba yaJehovha; akamunetsa saizvozvo, saka wakachema, akaramba kudya.
8
Zvino murume wake Erikana akati kwaari, "Hana, unochemeiko? Unorambireiko kudya? moyo wako une shungu nei? Ko ini handikupfuuriri vanakomana vane gumi here?"
9
Saka Hana wakasimuka, vapedza kudya paShiro, uye vapedza kumwa. Zvino Eri muprista wakanga agere pachigaro chake pamukova wetemberi yaJehovha.
10
Zvino Hana wakanga ane shungu kwazvo, akanyengetera kuna Jehovha, akachema kwazvo.
11
Akapika mhiko, akati, "Jehovha wehondo, kana mukava nehanya kwazvo nokutambudzika komurandakadzi wenyu, mukandirangarira, mukasakangamwa murandakadzi wenyu, asi mukapa murandakadzi wenyu mwana womukomana, ipapo ndichamupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake, musoro wake haungaveurwi nechisvo."
12
Zvino wakati achiramba achinyengetera pamberi paJehovha, Eri akacherekedza muromo wake.
13
Nokuti Hana wakanga achitaura nechomumoyo make, miromo yake yoga yakanga ichimenyenyedzwa, asi inzwi rake rakanga risinganzwiki; saka Eri wakati wabatwa newaini.
14
Eri akati kwaari, "Ucharamba wakabatwa kusvikira rinhiko? Rasha waini yako."
15
Hana akapindura akati, "Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya, handina kumwa waini, kana zvinobata, asi ndadurura mweya wangu pamberi paJehovha.
16
"Musati murandakadzi wenyu mwanasikana wakaisvoipa, nokuti kusvikira zvino ndakanga ndichitaura nokuda kokuchema kwangu kukuru nokutambudzika kwangu."
17
Ipapo Eri akamupindura, akati, "Enda hako norugare; Mwari waIsiraeri ngaakupe chawakakumbira kwaari."
18
Iye akati, "Murandakadzi wenyu ngaanzwirwe tsitsi nemi." Naizvozvo mukadzi akaenda hake, akazodya, chiso chake chikashanduka.
19
Zvino vakamuka mangwanani, vakanamata kuna Jehovha, vakadzokera ndokusvika kumba kwavo paRama; Erikana akaziva mukadzi wake Hana, Jehovha akamurangarira.
20
Nguva yakati yapfuura, Hana akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samueri, achiti, "Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha."
21
Zvino murume Erikana navose veimba yake vakakwira kuna Jehovha kundobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe, nokumupa sezvaakapika.
22
Asi Hana haana kukwira, nokuti wakati kumurume wake, "Handingakwiri kusvikira mwana arumurwa, ipapo ndichaenda naye, kuti asvike pamberi paJehovha, agarepo nokusingaperi. "
23
Erikana murume wake akati kwaari, "Ita sezvaunofunga; chimbogara hako kusvikira wamurumura; asi Jehovha ngaasimbise shoko rake." Naizvozvo mukadzi akambogara hake, akayamwisa mwanakomana wake, kusvikira amurumura.
24
Wakati arumumura, akakwira naye ane nzombe nhatu, neefa imwe youpfu, nedende rewaini, akandomuisa mumba maJehovha paShiro. Asi mwana wakanga achiri muduku.
25
Zvino vakabaya nzombe, vakaisa mwana kuna Eri.
26
Hana akati, "Ishe wangu, nomweya wenyu mupenyu, ishe wangu, ndini mukadzi wakadeya kumira pano pamberi penyu, ndichinyengetera kuna Jehovha.
27
Ndakakumbira mwana uyu, Jehovha akandipa chandakakumbira kwaari;
28
saka neni ndamupa Jehovha; mazuva ose okurarama kwake wakapiwa Jehovha." Akanamata kuna Jehovha ipapo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31