bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Samuel 2
1 Samuel 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
1
Hana akanyengetera, akati, "moyo wangu unofarira Jehovha, Runyanga rwangu rwakakwiridzwa muna Jehovha; Muromo wangu wakashamira vavengi vangu Nokuti ndinofarira ruponeso rwenyu.
2
Hakuna mutsvene wakafanana naJehovha nokuti hakuna mumwe kunze kwenyu. Uye hakuna dombo rakafanana naMwari wedu.
3
Musaramba muchitaura muchizvikudza zvikuru, Manyawi ngaarege kubuda pamiromo yenyu, Nokuti Jehovha ndiMwari unoziva, Mabasa avanhu anoyerwa naye.
4
Uta hwavanhu vane simba hwakavhunika, Vakanga vachigumburwa vakasungwa zvino nesimba.
5
Vakanga vakaguta vakandobatira zvokudya zvavo,Vakanga vane nzara vozorora. Wakanga asingabereki wakabereka vanomwe; Asi iye wakanga ana vana vazhinji woshaiwa simba.
6
Jehovha ndiye unouraya, nokuraramisawo; Ndiye unoburusira kuhwiro, nokukwidzawo.
7
Jehovha ndiye unopa urombo, ndiye unofumisawo. Ndiye unodukupisa, nokukwiridzawo.
8
Ndiye unosimudza varombo paguruva, Unosimudza rombe, achimubvisa padurunhuru; Kuti avagarise pamwechete namachinda, Avagarise nhaka yechigaro choushe chinobwinya. Nokuti mbiru dzenyika ndedzaJehovha, Iye wakateya nyika pamusoro padzo.
9
Uchachengeta tsoka dzavatsvene vake, Asi vakaipa vachanyaradzwa murima; Nokuti hakuna munhu achakunda nesimba rake.
10
Vanorwa naJehovha vachapwanyiwa; Uchavatinhirira ari kudenga; Jehovha uchatonga migumo yenyika; Uchapa mambo wake simba, Nokukwiridza runyanga rwomuzodzwa wake."
11
Zvino Erikana akaenda kumba kwake paRama. Mwana akabatira Jehovha pamberi pomuprista Eri.
12
Zvino vanakomana vaEri vakanga vari vanhu vakaisvoipa; havana kurangarira Jehovha.
13
Tsika yavaprista pamberi pavanhu yakanga iri iyi, Kana ani nani akauya nechibayiro, muranda womuprista waiuya ane chibayiso chenyama china meno matatu muruoko rwake, kana nyama ichibikwa;
14
zvino ndokubaya nacho mugango, kana muhadyana, kana mugate, kana muhari; zvose zvaibudiswa nechibayiso chenyama zvaitorwa nomuprista. Ndizvo zvavaiitira vaIsiraeri vose vaiuya paShiro.
15
Zvino kunyange vasati vapisa mafuta, muranda womuprista waiuya, ndokuti kumunhu wakanga achibayira, "Ndipe nyama yokugochera muprista; nokuti haangagamuchiri kwauri nyama yakabikwa, asi mbishi."
16
Zvino kana munhu uyo akati kwaari, "Ngavatange kupisa mafuta, ugotora hako zvose zvinodikamwa nomoyo wako," ipapo iye ndokuti, "Kwete, chindipa iyo zvino; kana usingadi, ndichatora nesimba."
17
Zvivi zvamajaya zvakanga zviri zvikuru pamberi paJehovha, nokuti vanhu vakazvidza chipiriso chaJehovha.
18
Asi Samueri waibata pamberi paJehovha, achiri mwana hake, akasungwa chiuno neefodhi yomucheka.
19
Namai vakewo vakamuitira nguvo duku, vakauya nayo kwaari gore rimwe nerimwe, kana ouya nomurume wake kuzobayira chibayiro chegore rimwe nerimwe.
20
Eri akaropafadza Erikana nomukadzi wake, akati, "Jehovha ngaakupe vana kumukadzi uyu panzvimbo yaiye wamakapa Jehovha." Vakaenda kumusha kwavo.
21
Zvino Jehovha akashanyira Hana, akava nemimba, akazobereka vanakomana vatatu navanasikana vaviri. Iye mwana Samueri akazokura pamberi paJehovha.
22
Zvino Eri wakanga akwegura kwazvo, akanzwa zvose zvakanga zvichiitirwa vaIsiraeri vose navanakomana vake, namavatire avaiita navakadzi vaibata basa pamukova wetende rokusangana.
23
Akati kwavari, "Munoitireiko zvinhu zvakadai? Nokuti ndinongosinzwa kuvanhu vose ava zvakaipa zvamunoita.
24
Kwete, vana vangu; nokuti mashoko andinonzwa haana kunaka; munodarikisa vanhu vaJehovha.
25
Kana munhu mumwe akatadzira mumwe, mutongi uchamutonga mhosva yake, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndianiko uchamureverera?" Kunyange zvakadaro, havana kuteerera inzwi rababa vavo, nokuti Jehovha wakanga achida kuvauraya.
26
Iye mwana Samueri akaramba achikura, akadikamwa naJehovha uye navanhuwo.
27
Zvino mumwe murume waMwari akauya kuna Eri, akati kwaari, "Zvanzi naJehovha, `Handina kuzviratidza here kuimba yababa vako, vachiri Ijipiti vakasungwa neimba yaFarao here?
28
Handina kumutsaura here pakati pamarudzi aIsiraeri, kuti ave muprista wangu, akwire kuatari yangu kupisa zvinonhuhwira, nokufuka efodhi pamberi pangu here? Handina kupa imba yababa vako zvipiriso zvose zvavana vaIsiraeri zvinopiswa here?
29
Zvino munofunhurireiko chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakaraira mumba mangu, mukakudza vanakomana venyu kukundeni, mukazvikodza nezvipiriso zvakanakisa zvavanhu vangu valsiraeri here?'
30
"Naizvozvo zvanzi naJehovha waIsiraeri, `Ndakada nomoyo wose kuti imba yako, neimba yababa vako, vafambe pamberi pangu nokusingaperi,' asi zvino zvanzi naJehovha, `Handingadaro, nokuti vanondikudza ndichavakudzawo, vanondizvidza ndichavashorawo.
31
Tarira, mazuva achasvika, andichagura nawo ruoko rwako, noruoko rweveimba yababa vako, kusvikira pasisina mutana paimba yako.
32
Uchaona kutambudzika kweimba yangu, pakati pefuma yose ichapiwa Isiraeri naMwari; hapangazovi nomutana paimba yako nokusingaperi.
33
Munhu weimba yako wandicharega kubvisa paatari yangu, iye uchapedza meso ako, nokuchemedza moyo wako; vana vose veimba yako vachafa vachiri varume vane simba ravo.
34
Zvino hechi chiratidzo chandinokupa, chichaitika kuvanakomana vako vaviri Hofini naPinehasi, vachafa vose vari vaviri nomusi mumwe.
35
Neni ndichazvimutsira muprista wakatendeka, uchaita zviri pamoyo wangu nomurangariro wangu; ndichamuvakira imba yakasimba, uchafamba pamberi pomuzodzwa wangu nokusingaperi.
36
Zvino mumwe nomumwe unenge asara paimba yako, uchauya kuzomupfugamira, achikumbira chimari chesirivha nebundu rechingwa,' achiti, `Dondipaiwo rimwe basa ravaprista, ndidyewo chimedu chechingwa.' "
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31