bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Samuel 18
1 Samuel 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 19 →
1
Zvino wakati apedza kutaura naSauro, moyo waJonatani ukanamatira moyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida moyo wake.
2
Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake.
3
Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nokuti wakanga achimuda sezvaakanga achida moyo wake.
4
Jonatani akabvisa nguvo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebhanhire rake.
5
Dhavhidhi akasienda kose kwaaitumwa naSauro, akabata mabasa ose nokungwara; Sauro akamuita mukuru wavarume vehondo; zvikafadza vanhu vose uye navaranda vaSaurowo.
6
Zvino vakati vachisvika pakudzoka kwaDhavhidhi pakuuraya muFirisitia, vakadzi vakabuda kumaguta ose avaIsiraeri vachiimba, vachitamba, kuzosangana namambo Sauro nengoma, nokufara uye nezvimwe zvokuridza.
7
Vakadzi vakaimba vachibvumirana pakuridza kwavo, vakati, "Sauro wakauraya zviuru zvamazana ake, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana ake."
8
Sauro akatsamwa kwazvo, shoko iri rikasamufadza, akati, "Vakapa Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana, asi ini vakandipa zviuru zvoga; chaanoshaiwa zvino chinyiko, asi ushe hwoga?"
9
Zvino kubva pazuva iro namazuva ose Sauro akachenjerera Dhavhidhi.
10
Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakanga watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakanga akabata pfumo muruoko rwake.
11
Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati, "Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro." Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake.
12
Sauro akatya Dhavhidhi, nokuti Jehovha wakanga abva kuna Sauro.
13
Naizvozvo Sauro akamutamisa abve kwaari, akamuita mukuru wechiuru, akabuda nokupinda pakati pavanhu.
14
Dhavhidhi akafamba nokungwara pazvose zvaakaita, Jehovha akava naye.
15
Zvino Sauro wakati achiona kuti unofamba nokungwara kukuru, akamutya kwazvo.
16
Asi vaIsiraeri vose navaJudha vose vakada Dhavhidhi, nokuti waibuda nokupinda pakati pavo.
17
Zvino Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Tarira, mukunda wangu mukuru Merabhi, ndichakupa iye ave mukadzi wako; asi iwe uve mhare yangu, urwe hondo dzaJehovha." Nokuti Sauro wakati, "Ruoko rwangu ngarurege kumuuraya, asi maoko avaFirisitia ngaamuuraye."
18
Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Ini ndini aniko, noupenyu hwangu chinyiko, kana imba yababa vangu pakati paIsiraeri, kuti ndive mukwambo wamambo?"
19
Asi nguva iyo Merabhi mukunda waSauro yaaifanira kupiwa Dhavhidhi, iye akapiwa Adhirieri muMehorati, ave mukadzi wake.
20
Zvino Mikari mukunda waSauro, wakanga achida Dhavhidhi; vakaudza Sauro, akafara nazvo.
21
Ipapo Sauro akati, "Ndichamupa iye, ave musungo kwaari, uye kuti vaFirisitia varwe naye." Naizvozvo Sauro akati kuna Dhavhidhi, "Nhasi uchava mukwambo wangu rwechipiri.
22
ipapo Sauro akaraira varanda vake, akati, "Tauriranai naDhavhidhi pakavanda, muti, `Tarira, mambo unokufarira, navaranda vake vose vanokuda;' naizvozvo zvino chiva mukwambo wamambo."
23
Varanda vaSauro vakataura mashoko iwayo munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akati, "Imi munoti zvitete here kuva mukwambo wamambo, zvandiri murombo hangu usingakudzwi?"
24
Varanda vaSauro vakamuudza vakati, "Dhavhidhi wataura mashoko okuti.
25
Sauro akati, `Muti kuna Dhavhidhi, Mambo haatsvaki kurovorerwa, asi zvikanda zvapamberi zvine zana zvavaFirisitia, kuti mambo atsive vavengi vake.' " Asi Sauro wakafunga kuurayisa Dhavhidhi navaFirisitia.
26
Zvino varanda vake vakati vachiudza Dhavhidhi mashoko iwayo, Dhavhidhi akafara kuva mukwambo wamambo. Zvino mazuva asati apera,
27
Dhavhidhi akasimuka, akaenda iye navanhu vake, akauraya varume vana mazana maviri avaFirisitia; Dhavhidhi akauya nezvikanda zvavo zvapamberi, akazvipa zviri zvose kuna mambo, kuti ave mukwambo wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mukunda wake, ave mukadzi wake.
28
Naizvozvo Sauro akaziva nokuona kuti Jehovha ana Dhavhidhi; Mikari mukunda waSauro akamuda.
29
Sauro akanyanya kutya Dhavhidhi; Sauro akaramba achivenga Dhavhidhi.
30
Zvino machinda avaFirisitia akabuda, nguva dzose kana vobuda, Dhavhidhi akakunda vamwe varanda vose vaSauro pakungwara; naizvozvo zita rake rikakurumbira kwazvo.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31