bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Samuel 19
1 Samuel 19
Shona 2009?
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
1
Zvino Sauro akataura naJonatani mwanakomana wake, navaranda vake vose, kuti vauraye Dhavhidhi.
2
Asi Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga achifarira Dhavhidhi kwazvo. Naizvozvo Jonatani akaudza Dhavhidhi, akati, "Sauro, baba vangu, vanotsvaka kukuuraya; naizvozvo zvino, chenjera kwazvo mangwana, ugare pakavanda, uvande;
3
ini ndichabuda, ndichandomira kuna baba vangu mumunda, mauri, nditaurirane nababa vangu pamusoro pako; kana ndichinge ndikaona chinhu, ndichakuudza."
4
Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, "Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo;
5
nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imwi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?"
6
Sauro akateerera inzwi raJonatani, Sauro akapika akati, "NaJehovha mupenyu, haangaurawi!"
7
Zvino Jonatani akadana Dhavhidhi, Jonatani akamuzivisa zvinhu izvo zvose. Jonatani akaenda naDhavhidhi kuna Sauro, akagara pamberi pake sapakutanga.
8
Zvino kurwa kukavapozve, Dhavhidhi akabuda kundorwa navaFirisitia, akavauraya nokuuraya kukuru, vakatiza pamberi pake.
9
Mweya wakaipa, wakanga watumwa naJehovha, ukauya pamusoro paSauro, agere mumba make ane pfumo rake muruoko rwake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake.
10
Sauro akaidza kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo; Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka usiku uhwo.
11
Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDhavhidhi kumurinda nokumuuraya mangwanani; Mikari mukadzi waDhavhidhi, akamuudza akati, "Kana ukasaponesa upenyu hwako usiku hwuno, uchaurawa mangwana."
12
Naizvozvo Mikari akaburutsa Dhavhidhi pasi napahwindo; akaenda, akatiza, akapukunyuka.
13
Mikari akatora terafimi, akairadzika panhovo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira.
14
Zvino Sauro wakati achituma nhume kuzobata Dhavhidhi, iye akati, "Unorwara."
15
Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Dhavhidhi akati, "Uyai naye kwandiri ari panhovo, ndimuuraye."
16
Zvino nhume dzakati dzichipinda, dzikaona terafimi iri panhovo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo.
17
Sauro akati kuna Mikari, "Wandinyengereiko kudai, ukarega muvengi wangu achienda, akapukunyuka?" Mikari akapindura Sauro achiti, Iye wakati kwandiri, "Ndirege, ndiende; ndichakuurayireiko?"
18
Dhavhidhi akatiza, akapukunyuka, akasvika kuna Samueri paRama, akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naSauro. Iye naSamueri vakandogara Naioti.
19
Zvino Sauro wakaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, Dhavhidhi uri Naioti paRama."
20
Sauro akatuma nhume kundobata Dhavhidhi; asi idzo dzakati dzichiona boka ravaporofita vachiporofita, naSamueri amire ari mutungamiriri wavo, Mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaporofitawo.
21
Zvino Sauro wakati achiudzwa izvozvo, akatumazve dzimwe nhume, naidzo dzikaporofitawo. Ipapo Sauro akatumazve nhume rwechitatu, naidzo dzikaporofitawo.
22
Zvino naiye akaendawo Rama, akasvika patsime guru riri paSeku, akabvunza akati, "VanaSamueri naDhavhidhi varipiko?" Mumwe akati, "Tarirai, vari Naioti paRama."
23
Iye akaendako Naioti paRama, Mweya waMwari wakauya pamusoro pakewo, akafamba achiporofita kudzimara asvika Naioti paRama.
24
Akabvisawo nguvo dzake, akaporofita pamberi paSamueri, akavata pasi, asakafuka, zuva iro rose nousiku uhwo hwose. Naizvozvo vanoti, "Sauro uri pakati pavaporofitawo here?"
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31