bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Samuel 11
1 Samuel 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 12 →
1
Zvino Nahashi muAmoni wakakwira akavaka misasa yake paJabheshigiriyadi kuzorwa naro; zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi, "Itai sungano nesu tikushumirei."
2
Nahashi muAmoni akati kwavari, "Ndichatenda kuita sungano nemwi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa, kuti ndinyadze vaIsiraeri vose nazvo."
3
Vakuru veJabheshi vakati kwaari, "Titenderei mazuva manomwe, titume nhume kunyika yose yaIsiraeri, zvino kana pasina ungatiponesa, tichabuda kwauri."
4
Zvino nhume dzikasvika paGibhiya, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuvanhu; vanhu vose vakachema kwazvo.
5
Zvino Sauro wakabva kumunda achitinha mombe dzake; Sauro akati, "Vanhu vanonzweiko zvavanochema kudai?" Akaudzwa mashoko avarume veJabheshi.
6
Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo.
7
Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, "Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo." Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose-vose.
8
Iye akavaverenga paBhezeki; vana vaIsiraeri vakasvika zviuru zvina mazana matatu, navarume vaJudha zviuru zvina makumi matatu.
9
Vakati kunhume dzakauya, "Udzai varume veJabheshigiriyadi, muti, `Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa.' " Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara.
10
Naizvozvo varume veJabheshi vakati, "Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire henyu sezvamunoda."
11
Fume mangwana Sauro akagadzira vanhu, akavaita mapoka matatu, vakapinda pakati pemisasa nenguva yamangwanani vakauraya vaAmoni kusvikira zuva ropisa; zvino vakasara vakaparadzirwa, hakuna kusara vaviri pamwechete.
12
Zvino vanhu vakati kuna Samueri, "Ndianiko wakati, `Sauro ungatibata ushe here?' " Hendei, tivauraye.
13
Sauro akati, "Ngakurege kuurawa munhu mumwe nhasi, nokuti Jehovha wakarwira Isiraeri."
14
Zvino Samueri akati kuvanhu, "Hendei Girigari, tinovandudza ushe ipapo."
15
Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31