bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Samuel 24
1 Samuel 24
Shona 2009?
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
1
Zvino Sauro wakati adzoka pakutevera vaFirisitia, akaudzwa zvichinzi, "Tarirai, Dhavhidhi uri murenje reEnigedhi."
2
Ipapo Sauro akatora varume vane zviuru zvitatu vakanga vatsaurwa kuvaIsiraeri vose, akandotsvaka Dhavhidhi navanhu vake pamatombo engururu.
3
Akasvika pamatanga amakwai panzira pakanga pane bako, Sauro akapindamo kuti afukidze tsoka dzake. Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakanga vagere mukati-kati mebako.
4
Vanhu vaDhavhidhi vakati kwaari, "Iri ndiro zuva ramakaudzwa naJehovha, achiti, `Tarira, ndichaisa muvengi wako muruoko rwako, umuitire sezvaunoda.' " Ipapo Dhavhidhi akasimuka, akagura mupendero wenguvo yaSauro iye asingazivi.
5
Asi pashure hana yaDhavhidhi yakamutambudza, nemhaka yokuti wakanga agura nguvo yaSauro.
6
Akati kuvanhu vake, "Jehovha ngaandidzivise, ndirege kuitira ishe wangu, muzodzwa waJehovha, chinhu chakadai, nditambanudzire ruoko rwangu kwaari, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha."
7
Naizvozvo Dhavhidhi akadzivisa vanhu vake namashoko iwayo, akasavatendera kumukira Sauro. Sauro akasimuka, akabuda mubako, akaenda hake.
8
NaDhavhidhi wakasimukawo, akabuda mubako, akadanidzira kuna Sauro akati, "Ishe wangu, mambo!" Zvino Sauro wakati achicheuka, Dhavhidhi akakotamira pasi nechiso, akapfugama.
9
Dhavhidhi akati kuna Sauro, "Munoteerereiko mashoko avanhu, vanoti, `Tarira, Dhavhidhi unotsvaka kukukuvadzai?'
10
Tarirai, zuva rino meso enyu akaona kuti Jehovha wakakuisai nhasi mumaoko angu mubako; vamwe vakati ndikuurayei, asi ndakakuregai ndikati, `Handingatambanudzi ruoko rwangu kuna ishe wangu, nokuti ndiye muzodzwa waJehovha.
11
Zvino baba vangu, tarirai, hoyo mupendero wenguvo yenyu, muruoko rwangu; nokuti zvandakagura mupendero wenguvo yenyu, ndikasakuurayai, muzive, muwone, kuti hakuna chakaipa kana kudarika kwandiri; handina kukutadzirai, kunyange makandivhima kuti munditorere upenyu hwangu.
12
"Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi, Jehovha ngaanditsive kwamuri; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.
13
"Sezvinoreva tsumo yavekare, `Kune wakaipa kunobuda zvakaipa; asi ruoko rwangu harungarwi nemi.'
14
Ko mambo waIsiraeri wakabuda achitsvaka aniko? Munodzingana naniko? Imbwa yakafa, rutata harwo.
15
Naizvozvo Jehovha ngaave mutongi, ngaatonge pakati pangu nemi, awone, andireverere pamhosva yangu, andirwire paruoko rwenyu."
16
Dhavhidhi wakati apedza kutaura mashoko iwayo kuna Sauro, Sauro akati, "inzwi rako here, mwana wangu; Dhavhidhi?" Sauro akachema kwazvo.
17
Akati kuna Dhavhidhi, "Iwe unondikunda pakururama, nokuti iwe wakandiitira zvakanaka, asi ini ndakakuitira zvakaipa.
18
Warondedzera nhasi pawakandiitira zvakanaka, nokuti hauna kundiuraya, kunyange Jehovha akandiisa muruoko rwako.
19
Nokuti kana munhu achinge awana muvengi wake, ungamurege akaenda hake here? Naizvozvo Jehovha ngaakuripire zvakanaka nokuda kwezvawakandiitira nhasi.
20
Zvino tarira, ndinoziva kuti iwe uchazova mambo zvirokwazvo, uye kuti ushe hwaIsiraeri huchasimbiswa muruoko rwako.
21
"Naizvozvo pika zvino kwandiri naJehovha kuti haungaparadzi vana vangu vanonditevera, uye kuti haungaparadzi zita rangu mumba mababa vangu."
22
Ipapo Dhavhidhi akapika kuna Sauro. Sauro akaenda kumusha kwake, asi Dhavhidhi navanhu vake vakaenda kunhare yavo.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31