bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
2 Chronicles 1
2 Chronicles 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
1
Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbiswa paushe hwake, Jehovha Mwari wake akava naye, akamukurisa zvikuru kwazvo.
2
Zvino Soromoni akataura navaIsiraeri vose, navakuru vezviuru navamazana, navatongi, namachinda ose pakati paIsiraeri vose, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba.
3
Ipapo Soromoni neungano yose pamwechete naye vakaenda kudunhu rakakwirira raiva paGibhiyoni; nokuti ndipo pakanga pane tende rokusangana raMwari, rakanga ravakwa murenje naMozisi muranda waJehovha.
4
Asi Dhavhidhi akanga atora areka yaMwari paKiriatijearimi, akaiisa panzvimbo, Dhavhidhi yaakanga aigadzirira; nokuti akanga aidzikira tende paJerusaremu.
5
Neareka yendarira yakanga yaumbwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iripo pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano yose vakairangarira.
6
Soromoni akakwirako pamberi paJehovha kuaritari yendarira, yakanga iri patende rokusangana, akabayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chezana.
7
Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, "Kumbira chaunoda kuti ndikupe."
8
Soromoni akati kuna Mwari "Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo.
9
"Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo.
10
Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?"
11
Mwari akati kuna Soromoni, "Zvawarangarira chinhu ichi mumoyo mako, ukasakumbira fuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo;
12
zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa fuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai."
13
Zvino Soromoni akabva panzvimbo yakakwirira yakanga iri paGibhiyoni, pamberi petende rokusangana, akasvika Jerusaremu, akabata ushe hwaIsiraeri.
14
Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; akanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro nokuna mambo paJerusaremu.
15
Mambo akaunganidza sirivha nendarama paJerusaremu zvikawanda zvikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.
16
Mabhiza aSoromoni aaiva nawo, aibva Ijipiti; vatengesi vamambo vaindoatorako vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rino mutengo waro.
17
Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36